Mutungamiri webato reZanu PF uye vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vaudza masangano akapinda munyika kuzowongorora sarudzo kuti vaite zvekuongorora sarudzo chete, kwete kuda kuzopindira mukuitwa kwesarudzo.
VaMnangagwa vataura izvi kuShurugwi, mudunhu reMidlands, uko kwavaita musangano wavo wekupedzisira wekutsvaga rutsigiro pamber pesarudzo dzichaitwa nemusi weChitatu chiri kuuya.
Vachitaura kuzviuru zvevanhu zvaungana pachikoro cheTongogara High School, VaMnangagwa vayambira vemasangano aya kuti vazive zvavakafambira.
“Tine masangano akawanda akasiyana-siyana atakakoka kuti auye kuzowongorora sarudzo dzedu, mamwe masangano aya anobva kunyika dzisingatifariri. Zvino zvavauya, tinoti ngavaite basa ravo nemazvo, kwete kuzoda kutiudzira kuti sarudzo dzinoitwa sei. Hatidzidziswi nezvekutonga kwejekerere- tinozvizivira isu.”
Asi vanhu vazotanga kusimuka kuenda kumabhazi avatakura kubva kunzvimbo zhinji dzemunyika kuuya kumusangano uyu, vamwe vachiti vabva ku Birchenough Bridge, vamwe vachiti kuHarare nevamwe vekuGokwe.
Asi vanhu vachisimuka kudaro, VaMnangagwa vaenderera mberi vachiti vachakunda zvine mutsindo musarudzo dziri kuuya idzi.
“Nevhoti yedu yeChitatu, ticharakasha nekusvasvanga zvimapato zvisina maturo. Kukunda kwedu kwedu kuri pachena nekuti hatina nhoroondo yekukundwa.”
Asi mutevedzeri wemutauriri webato reCitizens Coalition for Change, VaFelix Mafa, vanoti kurota kweZanu PF, kuti ichakunda musarudzo dzemusi weChitatu.
“Vanozviva kuti tichavakunda neChitatu ndiko saka vari kungoti vakabata apa vosiya, vobata apo vosiya. Kuri kuuya hurumende itsva, hutongi hutsva. Vanhu vasafururwa nemashoko avaMnangagwa.”
Mumwe wevanga vari pamusangano uyu, ndiMuzvare Rosemary Murwisi, avo vari kuda kukwikwidza musarudzo dzemakanzura muGweru vakamirira Zanu PF. Muzvare Murwisi vanoti kukunda kwaVaMnangagwa kuri pachena nekuti mabasa avo anovareverera.
“Isu seMidlands, tichavhotera VaMnangagwa nekuti vane zvakawanda zvavaita zvinonwisa mvura. Zviri pachena kuti rutsigiro rweZanu PF rwuchaita kuti bato iri rikunde. Chero isu vanhukadzi, vatisimudzira sezvo vasina munhu wavari kusiya pakusimudzira nyika.”
Asi nyanzvi inowongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaStanford Nyatsanza, vane maonero akasiya nezvataurwa naMuzvare Murwisi.
“Handioni avanoti mabasa akanaka avakaita achivabatsira. Zvavari kuita hazvinei nekuoa vanhu zvekudya nezvavanoda zuva nezuva. Hongu panogona kunge paine madhamu atiri kunzwa, nemigwagwa, asi pakuzoti vanhu vagute, vanoguta sei? Handioni zvichivabatsira.”
Vaimbove mutungamiri weMozambique, VaJoachim Chissano, avo vari munyika kuzoongorora mafambiro ari kuita sarudzo, vanga varipowo pamusangano we Zanu PF uyu, uyo wapindwawo nevamwe vakuru mubato reZanu PF.
Forum