Vanhu vakawanda nhasi vabuda mudzimba dzavo kunovhota mumatunhu akasiyana-siyana muMasvingo musarudzo vamwe vati dzange dzisina kumira zvakanaka sezvo vazhinji kumaruwa vange vachivhundutsirwa nenhengo dzesangano reFAZ vasati vavhota uye vamwe vazhinji vashaya mazita avo mugwaro rekuvhota,
Nyaya yange ichichemwa nevakawanda muMasvingo ndeyekushaya mazita avo mugwaro revavhoti sematauriro evaive mukuru wemapurisa mudunhu iri, Superintendent Phillip Ncube vayedza kuvhota paChirichoga Primary School kumaruwa ekuNemamwa.
Vari kumirira bato reCCC kuGutu East musarudzo dzedare reparamende, VaGift Gonese vati veFAZ vange vachityisidzira vanhu.
Asi vanozviti mutungamiri weFAZ munyika VaKudakwashe Munsaka varamba mashoko aya.
Mukuru weZEC muMasvingo, VaZex Pudurai vatiwo havana kunzwa nezvenyaya yeFAZ kwavatenderera vachiti sarudzo dzaitwa zvakanaka.
Asiwo vamwe vakaita semukomana wechidiki VaNorest Sichu wepaSikato Primary munzvimbo yekwaBhani vavhota kekutanga nhasi vati vafara zvikuru.
Vanoongorora zvematongerwe enyika vanoti nyaya yekushaikwa kwemazita evanhu uye kuvhundutsirwa kwevavhoti neFAZ kunokanganisa zvichabuda musarudzo.
Forum