Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti ZEC Iri Kutadza Kufambisa Sarudzo Zvakanaka Maune seNzira Yekuda Kuti Zanu PF Ikunde muSarudzo


Mutewedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, Muzvare Ellen Shiriyedenga
Mutewedzeri wemunyori anoona nezvesarudzo muCCC, Muzvare Ellen Shiriyedenga

Bato reCitizens Coalition for Change rinoti Zimbabwe Electoral Commission iri kutadza kufambisa sarudzo zvakanaka maune, senzira yekuda kuti bato reZanu PF rikunde musarudzo.

Izvi zvataurwa nevazviti ndivo mutauriri mutsva weCCC, VaPromise Mkhwananzi, apo vataura nevatori venhau nhasi masikati muHarare.

“Vakanonoka kuendesa mapepa ekuvhotera. Kunzvimbo dzakaita seGlen Norah, vapedza kuvhota nhasi masikati. FAZ yaityisidzira vanhu kumaruwa. Mapepa ekuvhotera aive aine mifananidzo isina kunaka, kunyanya mufananidzo wemutungamiri wedu VaNelson Chamisa, vachiitira kuti vasawane mavhoti akawanda. Kunyange ZEC yakakumbira ruregerero, yainge isingarevesi sezvo vaive vakazvironga, vachiitira kuti bato reZanu PF rikunde.”

VaMkhwananzi vatiwo havakwanisi kubuda pachena padanho ravachatora vachiti vachazoita izvi mushure mekunge ZEC yazivisa bato rakakunda.

“Sekutaura kwataita, sarudzo idzi hadzina kuitwa zvakanaka, naizvozvo zvichabuda madziri tinofanira kuziva kuti haana kujeka. Saka tichange tichiona kut zvafamba sei sezvo sarudzo dzacho dzichiri kuitwa. Parizvino hatingadi kutaura zvakawanda.”

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reHarare, VaGodwills Masimirembwa, vati vanovimba nebasa riri kuitwa neZEC.

Zanu PF
Zanu PF

“Sarudzo dzakaitwa murunyararo. Hongu mapepa akanonoka kuuya mune dzimwe ndzvimbo, asi matambudziko akadaro anowanika. Chazvakanakira ndezvekuti hakuna kwakanzi chimbovhotai nearipo iwawo, asi kuti, munhu wese akazowaniswa mukana wekuvhota.”

Kugutsikana kwaVaMasimirembwa kunotsigirwa nemumwe mudzimai asina kuda kudomwa nezita rake.

“Kuona kwangu, vanhu vakavhota zvakanaka chose. Chatinonamatira runyararo munyika, kuti rwurambe rwurimo. Asi zvichabuda musarudzo ndizvozvo.”

Asi Sekuru Never Mafuta vemuHarare, vanoti havasi kufara zvachose nemaitirwo akaitwa sarudzo neZEC.

“Ini ndakauya pano kaFour, ndichingodzokera kumba mapepa ekuvhotera asati auya. Pane vamwe vandinoziva vaimbogara kuno, asi vave kune dzimwe nzvimbo, vakatogumisira vaenda kuvhota. Zvese izvi zvakaitwa neZanu PF ichishandisa ZEC kuitira kuti vanhu vashoma vabude kuzovhota, kunyanya kwavanoziva kuti inokundwa.”

Hatina kukwanisa kunzwa divi reZEC, sezvo vatauriri vayo, sachigaro Justice Priscilla Chigumba, VaUtoile Silaigwana naVaRodney Kiwa, vanga vasiri kudavira mbozhanhare dzavo. Asi ZEC inogara ichiti haina divi rainorerekera mukuitwa kwesarudzo.

Mukuru wesangano rinoongorora nyaya dzesarudzo rakazvimirira, reZimbabwe Election Advocacy Trust, VaIgnatious Sadziwa, vanoti sarudzo dzegore rino mahumbwe chaiwo.

Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC, Justice Priscilla Chigumba

“Sarudzo dziri kuitika idzi dzaratidza kuti isarudzo dzisina maturo nekuti aka ndekekutanga tichiona sarudzo dzichiitwa mumazuva matatu, kunyange ZEC yaive yati yagadzirira zvakazara. Ndizvo zvatinogara tichikurudzira ZEC kuti igare ichipangwawo mazano nevamwe, asi vane nharo. Hatisi kufarawo nekusungwa kwaitwa vashandi veERC neZESN, vanga vari pabasa ravo.”

Vanoongorora sarudzo pamwe neveruzhinji vanoti sarudzo dzegore rino dzakavhiringwa nekushaikwa kwemapepa ekuvhotesa, kunonoka kuvhurwa kwenzvimbo dzekuvhotera pamwe nekushaikwa kwemazita evanhu mugwaro revavhoti.

ZEC inotarisirwa kubuditsa akunda musarudzo yemutungamiri wenyika mukati memazuva mashanu kubva musi waitwa sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG