Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inotungamira paZvigaro kuMaruwa eMasvingo, CCC Ichitungamirawo muGuta reMasvingo nemuDhorobha reChiredzi


Vanhu vachitarisa zvabuda musarudzo.
Vanhu vachitarisa zvabuda musarudzo.

Kunyange hazvo ZEC isati yapedza kubudisa zvabuda munzvimbo dzese dzeMasvingo, zvayabuditswa pazvivhitivhiti zvinoratidza kuti Zanu PF yatove nezvigaro makumi matatu mudare reparamende, uye kutorawo zvigaro zvemakanzuru kumaruwa.

Bato re CCC rinonzi rawanawo zvigaro zviviri zveparamende mumadhorobha eMasvingo neChiredzi uye ichikundawo zvine mutsindo musarudzo dzemakanzuru mumadhorobha maviri aya.

Munyori anoona nezvesarudzo muCCC muMasvingo, VaGodfrey Madzikanda, vati vakundwa kumaruwa nekuti bato reZanu PF raishandisa mhirizhonga nekutyikidzira vanhu richishanda nebazi reFAZ.

“Zvaiitwa zvekunyora vanhu vasati vapinda kundovhota nekuvavhundisira ndozvakaita kuti sarudzo dzibude seizvi, they haversted from fear,” Vadaro VaMadzikanda.

Asi mutauriri weZanu PF muMasvingo, VaPepukai Chiwewe, vati vakunda kwete nekuti vaishandisa mhirizhonga, asi nekuti vanhu vane chivimbo nehutungamiriri hwavo.

“Izvo zvekufungidzira kuti FAZ ndiyo yakatadzisa CCC kuhwina manyepo, CCC ndiyo yaitoita mhirizhonga ichitadzisa FAZ kuita basa rayo,” VaChiwewe vanodaro.

Kune nzvimbo dzakaita seku Chiredzi Central kwabudiswa zvabuda musarudzo neZEC, VaRopafadzo Makumire ve CCC, avo vakunda zvine mutsindo, vati vari kufara zvikuru.

“Nditenda avo vandituma kuti ndinoita basa kuparamende ndionotarisira kushanda nevanhu kuti Choiredzxi ibudirire,” VaMakumire vadaro.

VaMakumire vakunda vange vachivatevera VaFrancis Moyo veZanu PF.

Nhengo yeZanu Pf, VaSengerayi Manyanga, vati vari kupembera nezvabuda musarudzo dzemakanzuru mudhorobha reMasvingo.

CCC yakunda muma Ward mapfumbamwe, Zanu PF ikatora rimwe chete.

”Ndiri kufara zvakanyanya kwazvoi kuti vagary vemu ward 10 vavimba neni zvakare, tichabata tese kuti tigadzirise service delivery ne development,” VaManyanga vadaro.

Zvabuda musarudzo mune mamwe matunhu zvange zvisati zvaburitswa pataenda mumhepo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG