Accessibility links

Breaking News

Zviri Kubuda muSarudzo Zvotambirwa Zvakasiyanasiyana muNyika


Sachigaro veZEC, Justice Priscillah Chigumba
Sachigaro veZEC, Justice Priscillah Chigumba

Vanhu munyika votambira zvakasiyana siyana zviri kubuda musarudzo dzichangobva kuitwa, vamwe vatsigiri veZanu PF vachifara zvikuru nekuwana zvigaro zvakawanda mudare reparamende, zvikuru kumaruwa, vebato rinopikisa reCCC vachiti vari kufarawo nekukunda mumadhorobha, asi vachiti vanotyira kuti kana Zanu PF ikaramba richitonga hupenyu hucharamba hwakavaomera.

Mumwe wevatsigiri veZanu PF vari kuti kukunda kwebato ravo kuchavandudza hupenyu hwevanhu ndaVaCharles Munganasa vemuMasvingo.

Vanhu vachivhota.
Vanhu vachivhota.

“Tine mufaro kuti muno muMasvingo takawana ma constituency akawanda nekuti mu democracy miune zvinh8 zviviri kukunda kana kukundwa,” VaMunganasa vanodaro.

VaTavara Mudukuti vanoti vanotarisira kuti kubudirira kweZanu PF kuchapa vechidiki mikana yekuvhura mukambani voita hupenyu hwakanaka.

“Tiri kutarisira kuti vechidki vachawana mukana wekuma conservancy uko kuma fisheries nekumwe sezvo varivo vari vulnerable economically,” VaMudukuti vadaro.

Zanu PF
Zanu PF

Asi nhengo yeCCC inogara kuMkoba 5 kuGweru, VaLovemore Tavengwa, vanoti zviri kubuda musarudzo zvinoratidza kuti vanhu vacharamba vachitambura.

“Hapana chekupemberera apa nekuti Zanu PF ndoyaingovapo isina zvayakaita saka inogri suffer continue,” VaTavengwa vanodaro.

VaSimbarashe Gava vekuChivhu, vanoti vaitarisira hurumende yebato reCCC kuti igoshandura zvinhu munyika.

“Taitarisira shanduko asi nezvizvi haaa, hapana chinobuda. Totombotiza munyika hedu tisamirire five years dekutambura,”

Asi Muzvare Beatrice Musiza wekuMarondera vanoti kunyange hazvo zviri kuratidza kuti bato reCCC ringangotora zvigaro zvishoma, vari kufara nezvarawana mumadhorobha, uye vane tarisiro yekuti mutungamiriri waro, VaNelson Chamisa, vachine mukana pasarudzo yemutungamiriri wenyika.

Mutungamiri weCCC, Vanelson Chamisa
Mutungamiri weCCC, Vanelson Chamisa

“Mutungamiriri wedu VaChamisa vachine mukana wekukunda nekuti kwavaikunda vaiita zvine mutsindo, saka tine tarisiro yekuti vanobuda zvakanaka,” Muzvare Musiza vanodaro.

Vanhu vakawanda vamirira kunzwa zvichabuda musarudzo yemutungamiriri wenyika, vatsigiri vebato rinopikisa vachitarisira kuti mutungamiri wavo angangobudirira, ukuwo vebato reZanu PF vachiti mutungamiri wavo akatokunda kare.

ZEC ine mazuva mashanu ekuburitsa zvakabuda musarudzo yemutungamiri wenyika, zvichireva kuti ine kusvika musi weMuvhuro svondo rinouya.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG