Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga yeZvematongerwo eNyika Inonzi Yakwira Munyika Mushure meSarudzo


Mhirizhonga yevematongerwo enyika inonzi yakwira.
Mhirizhonga yevematongerwo enyika inonzi yakwira.

Masangano anoongorora sarudzo, veruzhinji pamwe nebato reCitizens’ Coalition for Change, vari kuti munyika maberekera ingwe sezvo mhirizhonga ine chekuitwa nesarudzo iri kuwedzera munyika munzvimbo dzakasiyana siyana.

Mutauririri weCCC, VaPromise Mukwananzi, vanoti vatsigiri vavo vanopfuura zana vari kushungurudzwa, kurohwa nekupisirwa misha mumatunhu akaita sekuGokwe, Buhera, Harare, Masvingo, Uzumba neMaramba Pfungwe.

Vati vatsigiri vavo gumi nevatatu kumatunhu eUzumba neMaramba-Pfungwe kuMashonaland East vakatotiza misha yavo mushure mekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF.

“Tikaenda kuHighfields Dorothy Ziuchi naNomsa Maradzika imba yavo yakatemwa nematombo, kuUzumba kune vanhu vanodarika 13 vakatotiza ikoko,” VaMkwananzi vadaro.

Vanopikisa nevemasangano akazvimirira vanoti vari kushungurudzwa.
Vanopikisa nevemasangano akazvimirira vanoti vari kushungurudzwa.

Mumwe mugari wekuGokwe-Kabuyuni, VaShadreck Kana, vatiwo mumwe wavo, VaEddie Murehwa vakapambwa nezuro manheru uye kusvika pari zvino havasi kuzivikanwa kuti varipi.

“Umwe anonzi Murehwa akangoshaikwa paabva ku command centre, hatisi kutoziva kuti aripi izvezvi,” vadaro VaKana.

Ukuwo, sangano rinoongorora sarudzo munyika, reElection Resource Centre, kana kuti ERC, rabudisa mashoko kuvatori venhau richiti nhengo dzaro dzaiongorora sarudzo dziri kushungururudzwa munzvimbo dzakawanda munyika.

Mukuru webasa muERC, Muzvare Barbra Bhebhe, vatiwo nhengo dzavo kuKaroi, Kariba neMakoni dziri kufonerwa nevanhu vadzisingazivi dzichivhundutsirwa kuti dzidzoke kuzosaina mapepa ezvakabuda musarudzo akachinjwa.

“Nhengo dzedu dzirikufonerwa nevanhu vadzisingazivi vachinzi dzokai musaine mapepa ezvekabuda musarudzo ayo akagadziriswa,” Amai Bhebhe vadaro.

Asi vakafanobata chigaro chemukuru muhofisi inoona nezvekubuditswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vati bato ravo riri kungozorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Asi Zanu PF inoti nhengo dzayo ndidzo dziri kushungurudzwa.
Asi Zanu PF inoti nhengo dzayo ndidzo dziri kushungurudzwa.

Vatiwo nhengo dzebato reCCC ndidzo dziri kutoita mhirizhonga uye dzakatorova nhengo yavo, Amai Barbra Rwodzi, kwaChirumhanzi nezuro.

“VeTripple C ndivo varikuita mhrizhonga vakarova Amai Barbra Rwodzi kwaChirumanzi avo vari muchipatara,” VaMarapira vadaro.

Asi mutauriri wemapurisa munyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati munyika mune runyararo uye havasati vatambira nyaya dzemhirizhonga dziri kunzi dzakamhan’arwa kumapurisa idzi.

“Munyika mune runyararo uye hatisati tasanga nenyaya dziri kutaurwa zvinoda kuti ticheke nema Kamba edu,” VaNyathi vadaro.

Asi VaMkhwananzi vapikisa mashoko aVaNyathi aya vachiti munyika hamuna runyararo, vachitiwo kuda kusungwa kwavo inzira yekuda kuedza kuvanyaradza kuti vasaita basa ravo rekutaurira nyika zviri kuitika panyaya dzesarudzo.

Vari kuongorora zviri kuita musarudzo vakabva kuSADC, African Union, Commonwealth, European Union ne Carter Center, vanoti sarudzo dzemuZimbabwe dzkaitwa nenzira isingatambirwe nemitemo yesarudzo pasi rose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:21 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG