Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Zimbabwe Kuti Iongorore Kuitwa Kafiramberi kweNhengo yeCCC


Sangano reAmnesty International rakurudzira hurumende yeZimbabwe kuti iongorore kupambwa nekuitwa kafiramberi kwenhengo yeTripple C VaNelson Mukwenha.

Mumashoko kuvatori venhau, mutevedzeri wemukuru wesangano iri kuchamhembe kweAfrica Muzvare Khanyo Farisè vashora zvikuru chiitiko ichi chavati vanofungidzirwa kuti chakaitwa nevasori kana vamwe vanoona nezvekudzivirirwa kwemukati menyika. Vakurudzira hurumende kuti iferefete nyaya iyi nechimbi chimbi yoburitsa zvayawana kuruzhinji.

Musi wa 26 Nyamavhuvhu, VaMukwenha vainge vari pakati pevanhu vakadzivirira kuda kupambwa kwemutauriri weCCC VaPromise Mkwananzi pamberi pevatori venhau nevanofungidzirwa kuti vasori nevatori venhau.

Manheru acho, vakabva vateverwa kumba kwavo kuHighfield ndokupambwa vakarohwa zvakaipisisa ndokusiiwa vakandwa musango kuMapinga, Mashonaland West.

Asi mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vaudza Studio 7 kuti vange vasati vapirwa nyaya iyi.

Forum

XS
SM
MD
LG