Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeCCC, VaTino Mambeu, Vanoti Vakaona Kusafambiswa kweSarudzo Nemazvo neZEC Uye Kuvhundutsirwa kweVanhu neZanu PF neFAZ


CCC's Tino Mambeu
CCC's Tino Mambeu

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevava veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechimwe chizvarwa che Zimbabwe, VaTino Mambeu vanogara nekushanda vari muSouth Africa.

VaMambeu ndemumwe wezvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zvinogara kunze kwenyika zvakadzokera kumusha munguva yesarudzo kunovhota.

Asi VaMambeu havana kungovhota chete. Vnoti vakave mumwe wevamiriri vemutungamiri webato reCCC vaiona mafambisirwo aiitwa sarudzo, ivo vachishanda vari mudunhu reMazvihwa riri pasi peRunde Rural District Council kuZvishavane.

“Basa rangu ndingati rakanga riri rekufamba mukati mema polling station, kana kuti nzvimbo dzekuvhotera dzakawanda dzakasiyanasiyana ndichiona kuti vanhu vari kuvhota zvakanaka here? Havasi kuvhundutsirwa here? Uye zve nhau yandakanga ndakatarisisa zvizhinji ndeyekuti vanhu vaizonounganidzwa nemasabhuku avo, kuchinzi unganayi nemasabhuku enyu. Ndoyangandanga ndakatarisisa iyoyo,” VaMambeu vanodaro.

Nhengo dzeCCC
Nhengo dzeCCC

Vanoti imwe nhau yavaitarisisa ndeyeveFAZ, avo vanonzi vaiisa matafura avo mamita mazna matatu kubva panzvimbo yekuvhotera vachinyora vanhu vanenge vavhota uye kuti vavhotera papi.

Bato reCCC razivisa kuti riri kuparura hurongwa hwemazuva makumi matatu hwekukurudzira mwana weZimbabwe kuti akurudzire kuti munyika muitwe sarudzo itsva richiti sarudzo dzakabirwa zvemhando yepamusoro.

CCC iri kuda kuti sarudzo itsva dzichaitwa dzitungamirwe neSADC neAfrican Union. Asi Zanu PF inoti yakakunda zviri pachena zvisina kubirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG