Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yanzi Ibhadhare Vamwe Varimi US$440 Million Mushure Mekutyora Chibvumirano neDzimwe Nyika


Rimwe dare remuAmerica raramba kutambira chikumbiro chehurumende yeZimbabwe chekuti isabhadhare mari inosvika mamiriyoni mazana mana nemakumi mana kana kuti US$440 million kune vame varimi vekuGermany neSwiterland vanosanganisira VaBernard von Pezold nevamwe.

Kunyangwe Zimbabwe yainge yakanyorerana zvibvumirano nenyika dzekumaririra idzi zvinozivikanwa nekuti Billateral Investment Promotion and Protection Agreement, zvinochengetedza mina nemabhizimisi enyika dzainodyidzana nayo, pakatanga hondo yeminda muna 2000, vamwe vane zvibvumirano zvakadai vakatorerwa minda nezvimwe.

Izvi zvakapa kuti vamwe varimi ava vaende kudare re International Centre for Settlement of Investment Disputes kana kuti ICSID.

Zimbabwe yange yakwira kudare remuAmerica ichiti ICSID haikwanise kunzwa nyaya iyi. Asi rimwe dare remuWashington rakati Zimbabwe yakatyora chibvumirano cheBIPPA nekudaro inofanira kubhadhara.

Munyori mukuru mubazi rezvemutemo Amai Virginia Mabhiza vati titaure negweta guru rehurumende VaPrince Machaya asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Zimbabwe yakatiwo iri kuda kupa vamwe varimi vachena mari inpodarika mabhiriyoni matatu nechidimbu kana kuti 3,5 billion yemidziyo yavo yakatorwa pamapurazi.

Asi iri kutatarika kubhadhara mari iyi. Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti Zimbabwe itevedzere zvibvumirano zvainenge yanyorerana nedzimwe nyika nekuti iakasadaro inogona kumanikidzwa kubhadhara mari dzakawanda dzaisina.

Forum

XS
SM
MD
LG