Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vayambira vose vanoda kuratidzira kuti vachakandwa mujeri ayo vati haana kuzara. VaMnangagwa vange vachitaura kuBuhera uko vange vachikumikidza kushanda kwekambani yeMax Mind Sabi Star Lithium Floatation Plant.
Vatiwo vakakunda musarudzo dzavati dzakaitwa murunyararo kunyangwe vaongorori vesarudzo kubva kuSADC, African Union, COMESA nevamwe vakati hadzina kufambiswa zvakanaka.
VaMnangagwa vatiwo, “Isu taramba kutongwa nezvimbwasungata, taramba kutongwa nevarungu,” Asi mutevedzerei wemutauriri webato rinopikisa reCCC VaOstallos vaudza Studio 7 kuti ukaona sarudzo dzapera asi vanhu vachityisidzirwa zvinoreva kuti hadzina kufambiswa zvakanaka.
Vashora zvikuru mashoko aVaMnangagwa avati kuda kumbunyikidza kodzero dzevanhu. Bato reCCC rinoti sarudzo idzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro nekudaro riri kuda kuti dzidzokororwe.
Forum