Accessibility links

Breaking News

Vakakunda muSarudzo yeMutungamiri weNyika, VaMnangagwa, Votoreswa Mhiko neMuvhuro, Bato reCCC Richiramba Kutambira Zvakabuda muSarudzo


VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutoreswa mhiko yekutungamira neMuvhuro.
VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutoreswa mhiko yekutungamira neMuvhuro.

Bazi rezvekuburitswa kwemashoko razivisa nyika kuti vakasarudzwa semutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachatoreswa mhiko yekuve mutungamiri wenyika neMuvhuro unouya, 04 Gunyana 2023.

Gwaro iri, iro rasainwa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, rati mabiko aya achaitirwa munhandare yeNational Sports Stadium muHarare, uye veruzhinji vari kukokwa.

Izvi zviri kuuya paine kuramba kutambirwa kwezvakabuda musarudzo idzi nebato rinopikisa reCitizens’ Coalition for Change, CCC, richiti hadzina kufambiswa zvakanaka neZimbabwe Electoral Commission, uye dzakabiridzirwa zvemhando yepamusoro.

Vamwe vakaongorora sarudzo idzi vanosanganisira veSADC, African Union, Commonwealth neCarter Centre, vari kuimbawo korasi imwecheteyo yekuti sarudzo hadzina kuitwa pachiteverwa mitemo inosunga maitirwo esarudzo.

Kugadzwa kwaVaMnangagwa kuri kuuya panguva iyo paine tarisiro yekuti zvimwe vamwe vari kupikisa zvakabuda musarudzo idzi vanosanganisira bato reCCC vangangoenda kumatare edzimhosva chero nguva vachipikisa zvakabuda musarudzo, danho rinogona kuita kuti kugadzwa kwemutungamiri wenyika kumbosendekwa parutivi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vari mutungamiri webato rinopikisa reDemocratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti vanoda kupikisa zvakabuda musarudzo vachine kusvika Muvhuro unouya, kana pachiteverwa bumbiro ra 2013.

"VaJonga, zvapiringana nekuti gwara ramareva iri ndere bumbiro ra2013, rinotaura haro pa Section 93 kuti unenge uchupikisa musarudzo dzaitwa unofanira kukanda kupikisa kwake mumazuva manomwe kubva padaidzirwa sarudzo. asi mutemo unotaura kuti kana mazuva akapera uri musi weMugovera, zvinozotaura kuti unozopera neMuvhuro," vanotsanangura Doctor Zembe.

Asi vanoti zvinozivikanwa nemunhu wese kuti hurumende yeZanu PF inotyora bumbiro remitemo pamadiro, saka nekudaro kugadzwa kwaVaMnangagwa kunogona kuenderera mberi kunyange hazvo mutemo uchizvipikisa.

Hatina kukwanisa kunzwa divi reCCC kana ichabudirira kupikisa kumatare zvakabuda musarudzo idzi sezvo takundikana kubata vatauriri vebato iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG