Mutungamiri webato rinopikisa reCitizen Coalition for Change VaNelson Chamisa vanoti vatumira nhumwe kuSADC, African Union neUnited Nations. Izvi zvinotevera gakava rinotyisa ramuka munyika zvichitevera sarudzo dziri kunzi nevakawanda vakadziongorora hadzina kufambiswa zvakanaka.
VaChamisa vaudz Studio 7 kuti matambudziko emunyika anopedzwa nenhaurirano kwete zvemangoromera nekuita zano ndega sezviri kuitwa nemutungamiri wenyika ari kugadzwa mangwana, VaEmmerson Mnangagwa.
Vati mushure mekunge SADC nevamwe vaongorori vati sarudzo dzainge dzisina kuchena, vakazviona zisina kana kukodzera kuenda kumatare sezvo kwange kwangova kupedzera hoko padehwe retsindi.
POLAD
Asi vachipindura panyaya yekuti munyika muitwe nhaurirano, VaGeorge Charamba, mutauriri wemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vati kana vachida vachida kuita zvenhaurirano vanoenda kuPOLAD nevamwe vatungamiri vemapato ose anopikisa. Asi VaChamisa vagara vato zvePOLAD kutungana kwembudzi.
Asi sarudzo idzi dzinenge dziri kukonzera zinyeke nyeka muSADC. Vamwe vatungamiri venyika vaneg vakokwa havasi kuuya kuzoona VaMnangagwa vachigadzwa.
Vatungamiri vazivisa kuti vari kuuya pachatora VaMnangagwa mhiko vanosanganisira VaCyril Ramaphosa (SA), VaFelipe Nyusi (Mozambique) uye VaFélix Antoine Tshisekedi Tshilombo.
Asi vatungamiri vemuAfrica vakokwa asi vasiri kuuya vanosanganisira VaPaul Kagame (Rwanda), VaWilliam Ruto (Kenya), Amai Samia Suluhu Hassan (Tanzania), VaHakainde Hichilema (Zambia) uye VaMokgweetsi Masisi (Botswana)
Forum