Bazi reUnited Nations rinoona nezvechikafu reWorld Food Programme yaparura homwe yemari inosvika mamiriyoni gumi nemaviri ane zviuru mazana masere kana kuti 12, 8 million yekudzivirira dambudziko rekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti El Nino munyika ina dzekuchamhembe kweAfrica .
Nyika dzinoti Germany, Norway nesangano reEU dzabatsira nemari iyi ichashandiswa kuzivisa varimi nezvemamiriro ekunze, kuvapa mbeu dzinokura kunyangwe kuine nzara, mari yekubatsirikana uye mvura yakachena
Nyika dzichabatsirwa dzinoti Lesotho, Madagascar, Mozambique neZimbabwe.
Vanhu zviuru mazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 550 000 vari kutarisirwa kubatsirwa nehomwe yaumbwa neWFP iyi.
Forum