Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanodzora VaChiwenga naVaMohadi seVatevedzeri Vavo Kunyange Hazvo VaMohadi Vakambosiya Basa neNyaya dzeBonde


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga naVaMohadi
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa nevatevedzeri vavo, VaConstantino Chiwenga naVaMohadi

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasarudza vatevedzeri vavo vaviri muhurumende yavo, vanoti VaConstatino Chiwenga naVaKembo Mohadi, avo vatoreswa mhiko dzekutanga basa nhasi muHarare.

Vaviri ava vatoreswa mhiko nemukuru wevatongi, Chief Justice Luke Malaba, pamberi pemutungamiri wenyika, VaMnangagwa, kumuzinda weState House.

VaMohadi naVaChiwenga vachisvika paState House
VaMohadi naVaChiwenga vachisvika paState House

Asi kudzoka kwaVaMohadi muhutungamiri hwenyika kwakonzeresa kugunun’una kwakanyanya munyika nekuda kwehunhu hwavo mushure mekumbosiya basa nekuda kwemhosva dzepabonde dzavaipomerwa muna 2021.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekutora mhiko, mumwe wevatevedzeri ava, VaChiwenga, vati vachashanda nesimba kusimudzira nyika yeZimbabwe.

“Nhasi izuva rakakoshera ini, mhuru yangu uyewo rakakoshera mhuri yeZimbabwe. Tava kutanga tiine simba rakanyanya, kuvaka nyika yedu yatinoda, tichitsigira mutungamiri wedu VaMnangagwa, nemuono wavo wekuona kuti hupfumi hwenyika hwasimukira. Tichashanda husiku nesikati kuti panosvika gore ra2030, nyika ino inge yasimukira. Ndinoti ngatishandei pamwechete sevana veZimbabwe, kunyange tikaita miono yakasiyana.”

VaMohadi naVaChiwenga
VaMohadi naVaChiwenga

VaMohadi vavimbisawo kufambisa basa renyika mberi.

“Ndiripano kuzoshandira nyika yangu. Ndagara ndichiishandira kubva pakapinda hurumende yaVaMnangagwa, uye ndicharamba ndichidaro. Tine hurongwa huripo hwatichange tichiparura kuitira kusimudzira hupfumi nehupenyu hwevanhu.”

Asi mutauriri webato rinopikisa reCCC, VaPromise Mkhwananzi, vanoti havaoni hutungamiri hwaVaMnangagwa vakatsigirwa naVaChiwenga naVaMohadi, huchiunza pundutso munyika.

“Apa hapana kuti tine mutungamiri wenyika nevatevedzeri vake; tine matsotsi emandiriri agara aripo kubva muna 1980, uye vari kuyerera ropa mumaoko avo. Havana zvitsva zvavanokwanisa kuunza munyika. Tirikuti ngakuitwe sarudzo itsva muZimbabwe.”

Kugadzwa kwevatevedzeri vaVaMnangagwa
Kugadzwa kwevatevedzeri vaVaMnangagwa

Mumwe mudzimai anorwira kodzero dzemadzimai ati anoda kushandisa zita remadunhurirwa rekuti “Mai Jatirofa,” anoti akatyamadzwa nekudzoka kwaVaMohadi uye kusavewo nemudzimai apiwa chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika, achiti zvinoita sekuti hurumende iyi hairemekedzi madzimai.

“Mutevedzeri wemutungamiri wenyika uyu, akambosiya basa nekuda kwenyaya dzavo dzekusazvibata zvakanaka munyaya dzemadzimai. Saka semadzimai tingada kungoziva kuti nyaya idzodzo dzakazogadzirisika here sezvo tava kuona vachidzoka muhofisi imwechete iyoyo nhasi. Ndapera simba ndichinzwa mashoko ekudzoka kwavo zvekare nekuda kwemafambiro avakamboita uyewo apo tanga takatarisira kuwanawo mudzimai achipiwa chimwe chigaro chemutevedzeri wemutungamiri wenyika.”

VaGeorge Charamba
VaGeorge Charamba

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vaudza Studio 7 kuti vanga vari mumusangano, apo vanga vachida kubvunzwa nezvekudzoka kwavaMohadi semutevedzeri wemutungamiri wenyika, ivo vanga vaine nyaya dzakambovatevera kumashure.

Asi munyori anoona nezvemitemo mubato reZanu PF, uye vari nhengo yePolitburo, VaPaul Mangwana, vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa chaitwa naVaMnangagwa mukusarudza VaMohadi semutevedzeri wavo.

“Mubumbiro redu remitemo, zvirimo zvikonzero zvinotaurwa, zvinoita kuti munhu atadze kuva mutungamiri wenyika kana mutevedzeri wemutungamiri wenyika, asi VaMohadi havana mhosva inovatadzisa kupiwa chigaro chavawaniswa ichi nekuti vakasiya basa vega, uye kumatare edzimhosva hakuna mhosva yavakabatwa nayo. Saka kusarudzwa kwavo kuri mugwara, hapana chakaipa.”

Ukuwo, mutungamiri webato rinopikisa reLEAD, Muzvare Linda Masarira, vanotiwo vanga vachitarisira kuti pavatevedzeri vemutungamiri wenyika vaviiri pachavewo nemumwechete wechidzamai. Panyaya yaVaMohadi, Muzvare Masarira vanokurudzira ruzhinji rweZimbabwe kuti rwugamuchire VaMohadi sezvo pamunhu wese mupenyu pasina kana ani zvake asina chipomerwa.

Muzvare Linda Masarira
Muzvare Linda Masarira

“Ngaticherechedzeyi nyaya yavaMohadi zvine hungwaru, tichiziva kuti vazhinji vedu tinoda kuona zvitanda zviri mumaziso evamwe, tichitadza kuona zviri mune edu. Kudzoka kwavo ndinovimba kuti vakadzidza zvidzidzo zvavo uye vave kuda rutsigiro rwedu sezvo vadzoka muhurumende. Tese tiri vatadzi.”

VaLazarus Sauti, vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vanoti vana veZimbabwe vaitwa mafuza kubudikidza nekugadzwa kwevatevedzeri vaVaMnangagwa ava.

“Tariro yevana veZimbabwe yaurawa, kunyanya yevechidiki vanga vachitarisira kuti pada pangaiswawo wechidiki anokwanisa kuisa budiriro yenyika mberi. VaMnangagwa vadzosa hari dzofanzirofa sezvo VaChiwenga vagara vari muhutongi, ukuwo VaMohadi vakambosiya nekuda kwenyaya dzavo, saka kuvadzosa kutora vana veZimbabwe sevasingafungi. Pamwe pacho panoda kuisa, kwenya ndikukwenyewo, padivi, vanhu voita zvekuvaka nyika.”

Vamwewo vari munyika vari kuti kudzoka kwaVaMohadi naVaChiwenga kunoreva kuti hapana chiri kuzochinja munyika, naizvozvo, ngoma ndiyo-ndiyo mukutambura imomo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG