Accessibility links

Breaking News

Meya Coltart Vokurudzira Hurumende Kuti Isavhiringidze Makanzuru


VaDavid Coltart -CCC
VaDavid Coltart -CCC

Vakambove gurukota redzidzo yepasi VaDavid Coltart vagadzwa kuve meya weguta reBulawayo nhasi vachikurudzira hurumende kuti isavhiringidze mashandiro emakanzura uyewo vachitsidza kurwisa huwori.

Mushure mekunge vadomwa sameya VaColtart vatanga nekukumbira vanhu kuti vambonyarara kwekanguva kadiki semucherechedzo wekurangarira vakambove meya weguta reBulawayo VaJoshua Malinga avo vakashaya pakupera kwesvondo.

VaColtart vati vaive nehushamwari naVaMalinga zvisinei nekuti vaive mumapato akasiyana ezvematongerwo enyika vakatiwo VaMalinga vakashanda zvakanaka mubasa ravo sameya.

VaColtart vatenda mutungamiri webato reCCC VaNelson Chamisa nekuvakumbira kuti vaite meya vakati zvisinei nekuti bato ravo harizi kutambira zvakabuda musarudzo, ivo nevamwe vavo vachashanda napose pavanogona kuita zvose zvinosimudzira guta reBulawayo vachishanda nevanhu vose kusanganisira vagari, vemabhizimisi, masangano anoshanda akazvimirira, pamwe nevemachechi.

Vati pane nhoroondo iri pachena yekuti hurumende yakabvisa masimba kumameya uyewo inopindira nenzira inovhiringidza kushanda kwemakanzuru mukuita mabasa aanotarisirwa kuita nevagari vakati kurudziro yavo ndeyekuti hurumende isaita izvi.

“Ndiri kuda kukurudzira hurumende kuti isaise zvigutsa zvinotivhiringidza mubasa redu semakanzura; kuti varegere isu tine chido chekuita mabasa anosimudzira guta rino tichiaita nepatinogona napo zvichibatsira vagari vose. Ndinovimba kuti kurudziro yangu iyi ichakosheswa.”

VaColtart vati kanzuru yavo ine zvinhu zvaichanyanya kukoshesa pakutamnga kushanda kwavo kusanganisira kugadzirisa kushambidzika kweguta, kuita kuti guta riwane mvura yakakwana zvikuru kuchitariwa kushanduka kwemamiriro ekunze, vakatiwo vachaita zvose zvavanogona kurwisa huwori.

“Zvandinoda kutsidza nhasi ndezvekuti sameya ndichange ndisingadi zvachose kunzwa nezvehuwori. Izvi ndiri kuzvitaura ndakanangana nemakanzura kunyanya…hatifi takazotambira zvehuwori. Hatizozvivanzi kana zvikaitwa.”

VaDonaldson Mabutho ndivo vasarudzwa kuve mutevedzeri wavaColtart uye vaviri ava vasrudzwa pasina vamwe vanopikisa.

Sachigaro weBulawayo Progressive Residents and Ratepayers Association VaAmbrose Sibindi vati vanotarisira kuti kanzuru itsva iyi ichashanda zvakasimba kudzorera guta reBulawayo pambiri yaro yekuve guta rine hutsanana.

“Tinotarisira kuti makanzura apinda aya agadzirise nyaya yekupedzwa kuvakwa kweEgodhini Mall. Kana kuri kuti vakapiwa contract yekuti vavake nzvimbo iyi vari kukundikana, isu tinoti ngavavamise vatsvage vamwe vanovaka; ndizvo zvatinoona zvakanaka. Tine nyaya yemigwagwa yakafa uye tinotarisira kuti migwagwa iyi igadziriswe nekukasika. Tinoonazve vanotengesa vari kungotengesa pose pose nevamwe vanenge vasingabhadhari mitero kukanzuru….dai zvose izvi zvagadziriswa nekukasika.”

Mumwezve mugari variwo mutsigiri webato reCCC Muzvare Tendai Machona vati vafara nekugadzwa kwaVaColtart sameya vachiti vane nhoroondo yekushanda zvakanaka sezvavakaratidfza pavakambove gurukota rezvezdzidzo yepasi.

Pane vamwe vanhu vanonzi vagara havo vachiratidzira nenyaya dzekuda kukurudzira nyaya dzekusarudzana nemarudzi vange vachiratidzira panze peBulawayo City Hall vachiti havana kufara nevanhu vasarudzwa kuti vatungamire guta.

Zvichakadaro mutauriri wemapurisa muBulawayo Inspector Abednico Ncube vaudza Studio 7 kuti pane vanhu vtanhatu vakasungwa zvichitevera mhirizhonga yakaitika nezuro kuBarbourfields Stadium vakatiwo kune vanhu vasere vakakuvara asi vakarapwa pachipatara cheMpilo vakabva vabudiswa.

Inspector Ncube vati vakasungwa ava havasati vamiswa pamberi pedare sezvo mapurisa achiri kuenderera mberi nekuferefeta nyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG