Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vodoma Mwana Wavo seMutevedzeri weGurukota rezveMari


VaEmmerson Mnangagwa.
VaEmmerson Mnangagwa.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vadoma mwana wavo, VaDavid Mnangagwa, semutevedzeri wegurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube. Vazivisa izvi muHarare nhasi pavange vachidoma dare ravo remakurukota.

Imwe hama yaVaMnangagwa, VaTongai Mnangagwa vadomwawo kuve mutevedzeri wegurukota rezvekushanyirwa kwenyika.

Asi VaMnangagwa vabvisa mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga pakuva zvekare gurukota rezvehutano. Basa iri rapihwa Doctor Douglas Mombeshora.

Vamwe vadzoswa pazvigaro zvakare vanosanganisira gurukota rekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri, gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFrederick Shava, gurukota rezvedzidzo yepamusoro Muzvinafundo Amon Murwira, gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi uye gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe.

Muzvare Kirsty Coventry vachiri gurukota rezvemitambo. Gurukota rezvekurima VaAnxious Masuku vadzoswa zvekare kubazi iri.

VaWinston Chitando vange vari gurukota rezvezvicherwa vave gurukota rezvematunhu uye vasiya basa iri VaJuly Moyo vaitwa gurukota rezvevashandi. VaZhemu Soda vange vari gurukota remhando dzemoto ndivo vave gurukota rezvezvicherwa.

Amai Monica Mutsvagwa vange vari gurukota rezvekuburitswa kwemashoko vaitwa gurukota rezvemadzimai. VaJennifan Muswere ndivo vave gurukota rezvekuburitswa kwemashoko. VaChris Mutsvangwa vaitwa gurukota revakarwa hondo.

Makurukota asina kudzoswa anosanganisa Amai Sekai Nzenza vange vari gurukota rezvemaIndustry uye VaPaul Mavima vaitwa chipangamazano muhofisi yemutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana zvikuru nekuwedzerwa kwemakurukota naVaMnangagwa.

Forum

XS
SM
MD
LG