Accessibility links

Breaking News

VeMabhizimisi Voyambira Kuti Mitengo yeZvinhu Ichakwira neNyaya yeKudzimwa kweMagetsi


Vamwe vakuru vemabhizimisi vari kuyambira kuti kudzimwa kwemagetsi kuchapa kuti mitengo yezvinhu itange kuwedzerwa.

Izvi zviri kuitika kunyangwe mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nedare ravo remakurukota vakarova bembera vachiti dambudziko remagetsi rapera sezvo Zimbabwe yainge yawana mari yekugadzira magwenya kubva kuChina.

Mumashoko avo pavaitsvaga rutsigiro muHarare mwedzi wapera, VaMnangagwa vakaudza vatsigiri vavo kuti dambudziko remagetsi rainge rapera zvachose.

Asi kutanga svondo rapera, kambani yemagetsi yeZimbabwe Electricty Supply Aurthority(ZESA) yakatanga kudzima magetsi mumuguta makuru akaita seHarare, Masvingo, Gweru neBulawayo kwemazuva akawanda dzimwe nguva.

Mutungamiriri weConfederation of Zimbabwe Industies, VaKurai Matsheza, vaudza Studio 7 kuti kuenda kwemagetsi kuri kukanganisa kugadzirwa kwezvinhu zvinozopa kuti vamwe vazogume vawedzera mitengo.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenfordMutashu vati vanotarisira kuti dambudziko remagetsi rigadziriswe nechimbichimbi kuti mabhizimusi asagwadame.

Izvi zvatsinhirwa nemukuru werimwe sangano remabizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce VaChris Mugagaga vatiwo zvakakosha kuti dambudziko iri rigadziriswe kunyangwe pari zvino zvisati zvanyanyoipa.

Sachigaro weCEO Africa Roundtable rimwe sangano revemabhizimisi zvakare vaudzawo Studio 7 kuti mamwe mabhizimisi ave nemazuva matatu asina magetsi zvavati zvave kukonzera kuti vasagadzikane muhana.

Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakati vari kutarisira kuti hupfumi hwenyika huwedzere nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino kana kuti 6%.

Vakati izvi zvinokwanisika nekuwedzera kwegoho kubva mukurima uye kuwanikwa kwemagetsi. Asi nyanzvi dziri kuyambira kuti dambudziko remagetsi ranyuka zvakare richapa kuti zvinetse kuti hupfumi hukure zviri kutarisirwa nehurumende.

Ko vanhuwo zvavo vari kuonawo sei dambudziko remagetsi iri? Mumwe mugari wekuMarimba kuHarare VaTonderai Mugabe vanoti vanoona sekuti vakabatwa kumeso nehurumende payaiti yagadzirisa dambudziko iri munguva yesarudzo.

Mumwe mugari wekuGweru VaCharles Mazorodze vanoti vakambofara chose kwemwedzi miviri sarudzo dzisati dzaitwa apo magetsi aiswera ariko zuva rese.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano revagari reMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance(MURRA), Muzvare Nyaradzo Mutande, vati kudzimwa kwemagetsi kwadzosawo dambudziko remvura.

Vaive gurukota rezvemhando dzemoto VaSoda Zhemu vakaudza Studio 7 vasati vaenda kubazi rezvemigodhi kuti hurumende iri mushishi kugadzirisa dambudziko iri.

Vave gurukota idzva rezvemhando dzemoto vari kutarisirwa kutakura mutoro wekugadzirisa dambudziko iri ndi VaEdgar Moyo.

Zimbabwe ine magwenya anoshandisa mvura kuKariba nemarasha kuHwange inoti inokwanisa kugaya magetsi anosvika mamegawatts zviuru zviviri kana kuti 2,000 megawatts.

Asi kusanaya zvakanaka kwemvura uye kusashanda kwemagwenya ekuHwange kuri kupawo kuti dambudziko remagetsi rirambe riri gangaidzwa kumukwenyi mhezi yavavira mudumbu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG