Accessibility links

Breaking News

Muimbi ari kuBritain, Tomson Chauke, Ounganidza Zvekuridzisa Mimhanzi Zvekubatsira Vechidi Kwaanobva kuChiredzi


Muimbi, Tomson Chauke, ari kuunganidza zvekuridzisa mimhanzi zvekutumira kuChiredzi.
Muimbi, Tomson Chauke, ari kuunganidza zvekuridzisa mimhanzi zvekutumira kuChiredzi.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe, Tomson Chauke, anove muimbi achitungamira Chikwata chake cheLimpopo Groove.

Chauke, uyo anogara kuBritain, akaparura chirongwa chekuunganidza zvekuridzisa mimhanzi, zvakaita semagitare, ngoma, makombiyuta nezvimwe kubva kune vanenge vasisazvidi, iye ozozvitumira kumusha kwake kuChiredzi.

Anoti ari kushanda nemumwe waanoimba naye, Peter Doyle, vachibatsirwa nechikwata chavo kuchikwata chake cheLimpopo Groove.

Musician Tomson Chauke
Musician Tomson Chauke

"Hurongwa hwedu hwatinahwo ndehwekuti ihwo zvinobva mukukura kwandakaita inini, nechido chaindaiwe nacho chekuda kuridza mimhanzi. Ndakakurira munharaunda yekuti kwakanga kusina kana kwekuenda. But ndainzwa kuvaviva mukati mangu inini. Ndainzwa kuti izvi ndizvogona izvi, but kwekunozviitira kwakanga kusina. Kwekunozviridzira kwakanga kusina. Zvaishaikwa."

Chauke anoti akazoita rombo rakanaka rekudyidzana nechimwe chikwata chemimhanzi chaive muChiredzi makare, uko akazokwanisa kuwana mukana wekudzidzira kuridza.

Achipindura kuti zvaari kuunganiodza zvichagoverwa sei? Muimbi uyu anoti achavaka nzvimbo yekuti vese vanoda kudzidzira vanowana mukana wekuita izvi pasina kutariswa kuti uyu ndiani?

"Vanobatsirika ndevaya vanokwanisa kuridza, vanokwanisa kuimba, vasina ma instruments, vana vadiki kunyanya, because tinoda ku builder remangwana ravo. Saka ndichabatsira munhu wese," anodaro Chauke.

Music Instruments
Music Instruments

Chauke anoti dunhu reMasvingo rine vaimbi vakawanda vanosanganisira Progress Chipfumo naBaba Harare, avo vakabva kuChiredzi, chinove chiratidzo chekuti dunhu iri rine tarenda rinongoda kungomorwa chete seuchi.

Anoti pari zvino dambudziko raakatarisana naro guru ndere kuunganidza mari yekutumirisa zvaaunganidza kusvika pari zvino kuti zvikwanise kuenda kuZimbabwe.

Chauke anoti akasarudza kuita izvi mumwedzi uno waGunyana sezvo uri iwo mwedzi waakaberekwa.

Chauke achitambidzwa gatare.
Chauke achitambidzwa gatare.

Vanoda kubatsira vanokwanisa kubata Tomson Chauke panhamba dzake dzenhare dzekuBritain dzinoti +44 74 111 511 00, kana pamadandemutande eFaceBook neInstagram.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG