Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votaura kuUN neMusi weChina Vamwe Vachiti Ngavatsiurwe Vanopikisa Vasati Vapera Rumwe Rumwe


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kutaura pambere pedare reUnited Nations General Assembly kuNew York nemusi weChina.

Vamwe vari kutaura musi uyu vanosanganisira vatungamiri veKenya, Malawi, Cameroon, Italy, Japan nedzimwe uye nyika dzemuAfrica dzisina kugadzikana nekuda kwekupidigurwa kwehurumende nemauto dzakaita seNiger, Burundi neSudan.

Asi sechave chigariro, Brazil ndiyo inotanga kutaura ichiteverwa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nemusi weChipiri.

Asi VaMnangagwa vari kuenda kumusangano uyu vanopikisa nevanorwira kodzero dzevanhu vachichema chema kuti munyika maberekera ingwe sezvo kubva zvapera sarudzo, nhengo dzeTripple C gumi nenhatu dzasungwa nemapurisa dzichipomerwa mhosva dzemhirizhonga kunyanya.

Dzimwe nhengo dzebato iri dzinoti kunyangwe dzikanomhan’arira kuti dzarohwa nenhengo dzeZanu-PF ndidzo dzinobva dzasungwa.

Mapurisa pasina kupa humbowo akangoburitsa mashoko kuvatori venhau achiti ane humbowo hwekuti veCCC vanoda kuratidzira zvichitevera sarudzo dzakashorwa munyika nemasangano akaita seSADC, AU, EU, America dzichinzi dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti nyaya yeZimbabwe inofanira kuzeyiwa nyangwe kumucheto wemusangano uyu nekuti gungano iri rikasatura vanopikisa vanopera rumwe rumwe.

Munyori mukuru weUnited Nations VaAntonio Guterres vakatombotumira mashoko kuvatori venhau vachiti vari kushushikana nenyaya yaitaurwa nevanorwira kodzero dzevanhu kuti kodzero dzevanopikisa dzainge dzichityorwa munyika. Asi vanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende VaPupurai Togarepi vanoti zvekuti Zimbabwe izeyiwe hazvina nematuro ose.

Forum

XS
SM
MD
LG