Accessibility links

Breaking News

VeCCC Vochema neTsvimbo Mugotsi Yavanoti Voitwa neVasori neMapurisa


Nyaya dzekupambwa kwevanhu, kuitwa kafiramberi nekusungwa dziri kuenderera mberi kubva zvapera sarudzo vanopikisa vachiti munyika maberekera ingwe. Vari kupomerwa mhosva yekumbunyikidza kodzero dzevanopikisa mapurisa, vasori nevamwe vari kuzviti Forever Associate Zimbabwe, kana kuti FAZ pamwe nevatsigiri veZanu-PF.

Asi veZanu-PF vanoti vari kuzorwa mafuta enguruve yavasina kudya. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.

Kunyange hazvo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakakwikwidza musarudzo vachiti vanoda runyararo munyika, vanopikisa vanoti izvi handizvo zviri kuitika.

Kubva zvapera sarudzo, nhengo dzebato reTripple C dzakawanda dzinoti munyika hamuchagarike. Mutungamiri webato iri, VaNelson Chamisa, vaudza Studio 7 kuti nyaya dzekupambwa nekushungurudzwa kwenhengo dzebato ravo dzinofanira kuferefetwa.

Mumwe akapambwa muHarare nevanofungidzirwa kuti vasori akatochwa ndikanzura wemuHarare VaWomberaiishe Nhende vanoti vanachiremba vachiri kuvavheneka kuti vaonekwe kuti vakabayiwa jekiseni rainge riineyi.

Imwe nhengo yebato reCCC, VaNelson Mukwenha, vakapambawo kumba kwavo kuHighfield vakasiya vakandwa musangano kuMapinga kuMashonaland West.

VaMukwenha vakatorwa pakati pehusiku mushure mekuyedza kumisa vanofungidzirwa kuti vasori kupamba mutauriri webato iri, VaPromise Mkwananzi. VaMkwananzi vakabva vatiza munyika vachienda muhupoteri.

Kunze kwekupambwa kwevanhu, nhengo dzedare rebato iri dzave kugara dzakasungwa nekuvhimwa semhuka. Vamiriri vedare reparamende vatatu vanoti Muzvare Maureen Kademaunga, VaOstallos Siziva uye VaSurrender Kapoikulu vakasungwa mazuva apera.

Makanzura ebato iri asungwa anosanganisira mutevedzeri wameya weHarare, Muzvare Kudzai Kanzombe, VaClyd Mashozhera uye VaSimbarashe Dube vekuBulawayo.

Imwe nhengo yeTripple C, VaJohn Mupanduki, vanoti vanogara vachifonerwa nenhengo dzeFAZ kuBikita uye svondo rapera vakatyisidzirwa nerufu.

Dzimwe nhengo dzebato reCCC dzakaita saVaAllan Tirivapasi kuHurungwe naVaPeter Taonana dzakapisirwa misha kusara yave dota.

Vamwe vakaita saVaShadreck Kana, vekuGokwe Kabuyuni, vanoti vanoshamisika kuti FAZ ichiri mumaruwa mavo ichivhundutsira vagari kunyange saudzo dzakapera kare.

KuGuruve, Madzibaba veShanduko naVaGodfrey Chidhau, vanoti vatsigiri veCCC vari kutyisidzirwa uye kunyimwa chikafu.

Asi vanozviti mutungamiriri webazi reFAZ munyika, VaKudakwashe Munsaka, varamba mhosva dziri kupomerwa sangano iri asi vachiti sangano iri hapana kwariri kuenda.

Vanoona nezvekubuditswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira, vatiwo bato ravo harishandi neFAZ kuita zvemhirizhonga sezvo riri iro rakakunda musarudzo.

Asi CCC inoti nhengo dzayo kunyange dzikamhan’ara dzinosungwa kana kuti mapurisa haana matanho aanotora.

Magweta anenge achimirirawo nhengo dzeTripple C akaita saVaDoug Coltart anombosungwawo nemapurisa.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi vati vange vasingakwanisi kutaura nesu sezvo vange vari mumusangano.

Munyori mukuru weUnited Nation,s VaAntonio Guterres, vanoti vari kushushikana nenyaya dzekusungwa kwevanhu muZimbabwe.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze ari kushorawo zviri kuitwa kune vanopikisa izvi.

Hurumende iri kuti vanopikisa vari kuda kuratidzira mushure mesarudzo dzavari kuti dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

Asi VaChamisa vanoti kuratidzira murunyararo ikodzero yemwana weZimbabwe iri mubumbiro remitemo.

Forum

XS
SM
MD
LG