Accessibility links

Breaking News

Varimi vekuMwenezi Vokurudzirwa Kurima Mbeu dzeChinyakare Dzisingadi Mvura Yakawanda


Varimi pamwe nenyanzvi dzekurima vaungana nhasi vachizeya nyaya yekurima mbeu dzechinyakare dzisingadi mvura yakawanda senzira yekuyedza kurwisa nzara yagara ichirova dunhu reMwenezi.
Mbeu dziri kukurudzirwa kurimwa mudunhu iri dzinosanganisira mhunga, mapfunde nezviyo.

Nhasi sangano reMwenezi Development and Training Centre rakokera gungano panzvimbo yemabhizimusi yeNeshuro Growth Point apo nyanzvi dzekurima nevarimi vazeya zvakakoshera kurima mbeu dzisingadi mvura yakawanda.

Kuratidza kukosha kwegungano iri, madzishe enzvimbo anoti Ishe Neshuro pamwe na Ishe Chitanga vange vari pagungano revarimi iri vabva kunzvimbo dzakasiyanasiyana dzakaita seMasogwe, Sarahuro, Rutenga nemamwe matunhu akapoteredza akaita seBikita. Varimi vawanawo mukana wekushambadza zvirimwa zvavo.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano reMwenezi Development and Training Centre VaAmos Batisayi, vati chinangwa chemutambo uyu kuunganidza varimi vemudunhu iri kuti vapanane mazano. VaBatisayi vatiwo gungano iri range richizeya zvakawanda pamusoro pekudya kwechinyakare uko kuri kukurudzirwa nevanoona nezvehutano.

Vakafanobata chigaro chemukuru weAgriculture Advisory and Rural Development Services iyo yaimbove Agritex, VaNobert Masiiwa, vange vari munyarikani pachiitiko ichi, vakurudzira varimi kuti vadyare mbesa dzetsanga diki dzinokura kunyange mvura ikasaturuka zvakanaka.

Izvi zvatsinhirwa nemumwe murimi, Amai Simbisai Machava, vanogara kuward 3 muMwenezi.

Vanoshanda mubazi rezvekurima mudunhu reMasvingo vari nyanzvi yekuvandudzwa kwegoho, VaJonasi Chinyavada, vati varimi vanoda kuti vapihwe ruzivo rwekukohwa pakuru mbesa dzechinyakare nekuti kurima chibage munzvimbo inowana mamirimita emvura mazana matatu nemakumi mashanu pagore rese kana kuti 350 mm, hakuna zvakunobatsira murimi.

Mwenezi ndeimwe yematunhu munyika akatarisana nenzara yakakura zvichitevera kushomeka kwemvura. Kwemakore mazhinji, vakawanda mudunhu iri vanorarama nerubatsiro rwunopihwa nemasangano anobatsira vanoshaya akaita se World Food Program, iyo yakatanga kubatsira varimi ava muna 2015.

Sangano rekuAmerica reUSAID riri kushandawo nesangano reMwenezi Development and Training Centre kuderedza hurombo nenzara muMwenezi nenzvimbo dzakapoteredza.

Mwenezi iri muchikamu chechina nechishanu pakupatsanhurwa kwenzvimbo pachitariswa mamiriro ekunze kana kuti region 4 and 5. Iyi inzvimbo inopisa isinganaye mvura yakawanda. Vanobatsira vari kuda kuti varimi vazvirimire kwete kungopihwa chibage pachena.

Forum

XS
SM
MD
LG