Vechidiki vakawanda vari munyika vanoti havafari zvachose nekuda kwekusarudzwa kwechembere neharahwa kuva makurukota ehurumende kwakaitwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti vatana ava havakwanisi kuchinja hupenyu hwavo.
Vechidiki ava vari kuti VaMnangagwa vakasarudza madhonza akaneta, ndokuvapa zvinzvimbo zvehurumende zvakakosha, zvinoda vachiri kuchekwa dzinobuda ropa, kwete ana sekuru naana ambuya vakagadzwa ava.
Vamwe ndivo vanoti, kushomeka kwevechidiki pamakurukota ehurumende kunoratidza kuti hurumende yaVaMnangagwa haina zvishuwo zvevechidiki pamoyo, asi inazvo mukutaura chete.
Mumwe wevanofunga kudaro ndi Takudzwa Ngadziore, wechidiki ari mubato reCitizens Coalition for Change, uye ari nhengo yeNational Assembly. VaNgadziore vati, “Kushomeka uku kunoratidza kuti donzvo ravo harisi rekuumba asi rekuputsa.” Vatiwo, “ Nyika dzese dziri kubudirira dziri kuumbwa nevechidiki, zvinoreva kuti isu senyika tiri kufamba tichidzokera kumashure. Munozviziva kuti anaVaChamisa pavakapinda, vaive vechidiki, vakashandura mamiriro ezvinhu, ndizvo tichiti vechidiki vanoda kupiwa mikana yekutungamira nekuti vanokwanisa.”
Mashoko aya anotsigirwa naVaAlbert Chidakwa, mumwe wevechidiki vari mubato reMDC, avo vanoti vakakatyamadzwa nekusanyara kwaVaMnangagwa mukusarudza makurukota ehurumende avakadoma. Vati, “Isu sebato takagara tataura kuti sarudzo idzi dzakaitwa nehukopokopo, naizvozvo hatina kushamisika nevanhu vakaitwa makurukota.” Vaenderera mberi vachiti, “Asi zvinoreva kuti vechidiki vacharamba vari kumashure, kunyange vari ivo vakawanda munyika muno. Takaona VaMnangagwa vachidomana pahukama hwavo- vana, vazukuru nemasahwira. Varimowo vechidiki vari muZanu PF vanoti havasi kufadzwa nekushaikwa kwevechidiki kuti vave makurukota ehurumende.”
Asi wechidiki ari muZanu PF, uyewo ari mukuru wechikamu chezvekubuditswa kwemashoko kubato iri, VaFarai Marapira, vanoti VaMnangagwa vakasarudza makurukota anonwisa mvura. VaMarapira vati, “Isu sebato reZanu PF tiri kufara nemakurukota akasarudzwa nekuti vanosanganisira vadiki nevakuru, zvinoreva kuti kusanganiswa kwevechidiki vachiri nesimba, nevakuru nevanehunyanzvi. Musanganiswa uyu unotibuditsira chaizvo zvatinenge tichitsvaga.” Vatiwo, “Saka isu tinofara nevechidiki vakapinda ivavo. Uyezve, madzimai haana kusiiwa, navo vakapiwa zvigaro zvakati kuti. Saka tinofara kuti mutungamiri wedu akakwanisa kusarudza makurukota aya zvine hunyanzvi.”
Asi Lenon Mazuru, mutauriri wesangano revadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, reZimbabwe National Students Union, vanoti mikana yakawana makurukota ari muhurumende nhasi, apo vachangobva kuhondo vari vadiki, ngavaiwanisewo vechidiki vanhasi. VaMazuru vaudza Studio 7 kuti, “Ivo VaMnangagwa nevamwe vakaita saana Mai Mujuru vakaita makurukota vari vadiki chose, asi nhasi tinoona makurukota ese akasarudzwa pasina vangani vari pasi pemakore makumi matatu nemashanu.” Vatiwo, “Saka zvinoreva kuti hapana kwatiri kuenda nekuti tiri kuramba tiri kuma 80s ikoko, nepfungwa dzekare idzodzo. Asi isu tirikuti tinodawo miono mitsva, zvinokwanisika chete, kana tiinewo vadiki muzvigaro zvakaita seCabinet.”
Asi anorwira kodzero dzevechidiki, uye akambotungamirawo rimwe remasangano anomirira vadzidzi vemuzvikoro zvepamusoro-soro, reZimbabwe Congress of Students Union, VaKudzai Nyoka, havawirirani nemuono waLenon uyu, uye vanoti vechidiki havana kuisirwa gokora bodo, asi vakatoyeukwa. VaNyoka vati, “Tikada kuzvitarisisa, vechidiki hatingati vakasiiwa nekuti vakwanawo zvigaro zvekuita vatevedzeri vemakurukota.” Vaenderera mberi vachiti, “Ngationeiwo kuti donzvo rehurumende parizvino, rinova rekuita kuti Vision 2030 ikwanise kubatwa. Saka panoda nyanzvi dzine hudzamu, dzinoziva kuti basa rinoitwa sei, saka vakagona VaMnangagwa. Chimwe zvekare ndechekuti pane kungotarisa kuti vangani vechidiki vapinda, zvakakoshawo kuti tione hunyanzvi hwevanhu ava.”
Wechidiki, VaTapiwanashe Chiriga, vanoona nezvekufambiswa kwezvirongwa kusangano reHeal Zimbabwe, vanoti hurumende iri kuwanza simba kumuromo sepinjisi- sezvo isingamiri kutaura kuti inoda kusimudzira vechidiki, asi zviito zvayo zvichitovatsimbirira. VaChiriga vati, “Hurumende iyi hairatidzi kuti ingashanda kuitira kuti vechidiki vasimukire.” Vawedzera vachiti, “ Izvozvi mumakore mashanu adarika, yakatadza kuisa mutemo weYouth Bill, waiva wakanangana nekusimudzira vechidiki. Vamwe vevari muhurumende nhasi vakanga varimo muhurumende yemuna1980, zvichida vakanganwa kupawo chimuti kune vechidiki vemazuva ano. Ikozvino hamuna kana mumwechete wechidiki pamakurukota akasarudzwa, kunyange vachiratidzika kunge vechidiki.”
Dzimwewo nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, havakwanisi kushora kana kunyomba mutungamiri weTriple C, VaNelson Chamisa, vachivati mwana mudiki kunge vachitungamira nyika, sezvo ivowo vakapinda muhurumende vari wechidiki, pakapera hondo muna1980.
Vechidiki vakawanda vaudzawo Studio 7 kuti havi yekusimudzirwa kwehupenyu hwavo yakapwa kunge tsime, mushure mekudomwa kwemakurukota ehurumende, avanoti ndivanagogo naana sekuru.
Forum