Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voudza United Nations Kuti Sarudzo Dzakafamba Zvakanaka


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vataura pamberi pegungano reUnited Nations General Assembly muNew York vachishora vakatemera nyika zvirango uye vachiti sarudzo dzakafamba zvakanaka kunyangwe vakawanda vari kuti dzakabirirwa zvemhando yepamusoro.

VaMnangagwa vati sarudzo dzakaitwa munyika dzakafambiswa zvakanaka kunyangwe vakaongorora sarudzo idzi vakati hadzina kusvika pachikero chinotarisirwa. Vatungamiri venyika dzemuSADC vari kurongawo kuita musangano wechimbichimbi kuzeya nyaya yesarudzo idzi sezvo vaongorori vegungano iri vakati hadzina kufamba zvakanaka.

Sechave chigariro musoro wetsuro kushaya nyanga, vakurudzirawo kuti zvirango zvavanoti zvakatemerwa nyika zvibviswe. Asi America nevamwe vakatemera zvirango vanoti hazvibviswe kusvika VaMnangagwa varemekedza bumbiro remitemo renyika yavo nekuita sarudzo dzakachena.

Sachigaro weZanu-PF kuUK VaMarshal Gore vati VaMnangagwa vabaya dede nemukanwa.

Asi Vachipawo pfungwa dzavio pamashoko aVaMnangagwa aya, seneta Felix Magalela Mafa Sibanda veTripple C vati zvange zvichitaurwa naVaMnangagwa handizvo zviri kuitika munyika. Vati sarudzo dzemuZimbabwe hadzina kufambiswa zvakanaka zvakaonekwa nevaongorori vemunyika nekunze.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vanotungamira sangano reAll Hands on Justice vati munyika hamuna rugare sezviri kutaurwa naVaMnangagwa.

Dingindira regore rino rinoti, “Rebuilding trust and reigniting global solidarity,” uye rakanangana nekuumba kuvimbika pamwe nekumutsiridza kubatana kwepasi rose.

Forum

XS
SM
MD
LG