Accessibility links

Breaking News

Meya weBindura, VaGwature, Vanosungwa Vachimiswa Pamberi peMatare, CCC Ichiti Nhengo Dzayo Dziri kuShungurudzwa


Mutauriri weCCC, VaPromise Mkhwananzi vachirwiswa nevanofungidzirwa kuti mapurisa vaida kuvasunga.
Mutauriri weCCC, VaPromise Mkhwananzi vachirwiswa nevanofungidzirwa kuti mapurisa vaida kuvasunga.

Meya wedhorobha reBindura vachangobva kusarudzwa, VaJacob Gwature vebato reCitizens Coalition for Change, vamiswa pamberi pedare ramejasitiriti muHarare vachipomerwa mhosva yekuita hutsotsi.

VaGwature, avo vari kutongwa pamwe chete naVaJonathan Kapasi, vanonzi nemapurisa vakaita hutsotsi hwekubira rimwe sangano riri kuBritain reKitchen Table Charities Trust mari inoita zviuru zvishanu zvemapaunzi ekuBritain kana kuti 5,000 Pounds.

VaGwature nekambani yavo yePamhodzi Rainbow Network in Zimbabwe vanonzi vakati vanokwanisa kuchera borehole raidiwa nesangano iri vachibva vabhadharwa mari iyi, asi vanonzi mushure mekunge vaisirwa mari iyi mubhanga mavo havana kuzochera borehole iri.

Vanonziwo havana kudzosera mari iyi izvo zvakasvitsa pakuti vasungwe nemusi weChishanu.

Gweta riri kumirira VaGwature, VaErnest Jena, vanoti mutongi wedare ati VaGwature vadzoke kudare musi wa26 mwedzi uno kudare kuti vanzwe kana vachikwanisa kupiwa mukana wekubvisa mari yechibatiso kuitira kuti vatongwe vachibva kumba kwavo.

VaJena vanoti zvinoshamisa kuti VaGwature vakasungwa vachangobva kugadzwa sameya pamhosva inonzi yakaparwa makore maviri adarika.

Vanoti VaGwature vari kuramba mhosva yavari kupomera iyi.

Mutauriri webato reCCC, VaPromise Mkhwananzi, vanoti kusungwa kwaVaGwature hurongwa hwehurumende hwekushungurudza nhengo dzebato ravo dziri muzvigaro zvakasiyanasiyana kuitira kupa mukana wekuti Zanu PF iise vanhu vayo.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende sezvo tatadza kubata munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana.

Tatadzawo zvakare kubata mutauriri weZanu PF, VaChris Mutsvangwa kanawo mushandi mukuru muboka rezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira.

Asi hurumende neZanu PF vagara zvavo vachiramba kuti hurumende kana bato riri kutonga havapindire mukushanda kwematare pamwe nemapurisa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG