Accessibility links

Breaking News

UN Yokurudzira Zimbabwe Kubvisa Mutemo we"Patriotic Act" Ichiti Unotyora Kodzero dzeVanhu


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

United Nations Human Rights Commission riri kukurudzira hurumende yeZimbabwe kuti ibvise chikamu 22a chemutemo wakavandudzwa kana kuti Criminal Law Reform (Codification and Reform) Amendment Act unozivikanwa neremadunhurirwa rekuti “Patriotic Act”.

Zvipangamazano zvitatu zvekomisheni iyi zvakaongorora chikamu ichi zvinoti chinotyora zvibvumirano zvakanyoreranwa neZimbabwe nedzimwe nyika dzepasi rino pasi pegungano reunited Nations panyaya yekuremekedza kodzero dzevanhu.

Chikamu chechimakumi maviri nemaviri kana kuti 22A chinotaura nezvekungangonzi kutengesa nyika yeZimbabwe nezvizvarwa zvenyika kana zvikataura nevekunze.

United Nations inoti zvirango zvinopihwa vanenge vabtwa nemhosva yekutyora mutemo uyu zvakaita sekuvatorera hugaro-citizenship, kuvatongera rufu uye kuvarambidza kuvhota kutyora kodzero dzavo zvakanyanya sezvo mutemo wacho usina kujeka.

Studio 7 yatumira mibvunzo kugurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi asi vange vasati vapindura pataende pamhepo.

Asi mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Human Rights NGO Forum VaWilbert Mandinde vaudza Studio 7 kuyi vanowirirana nemaonero eUnited Nations vachiti mutemo uyu uchashandiswa kutyora kodzero dzevanopikisa munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG