Vanhu vatatu kusanganisira mwana ane makore mashanu vakafa vamwe vanodarika chiuru vakasara vasisina pekugara mushure mekutsva kwedzimba dzavo neMugovera manheru nemoto wakaparadza nzvimbo inogara vanhu zviri kunze kwemutemo, yeCemetery View, iri kuPretoria East muSouth Africa.
Nzvimbo iyi inonzi inogara zvizvarwa zveZimbabwe nezvekuLesotho zvakawanda uye dzimba zhinji dzinonzi dzine midhuri yakavakwa nemapango, marata pamwe nema plastic.
Mumwe wevakaparadzirwa imba yavo ndaVaMugano Mugano, vanobva kuChiredzi mudunhu reMasvingo.
VaMugano vanoti ivo nemudzimai nemwana ane makore mana vakarasikirwa nezvinhu zvose kubva kuchikafu, magumbeze, mbatya kusvika kumari.
Sangano rinopa rubatsiro, reSA Cares, rinonzi ndiro rimwe remasangano nevanhuwo zvavo vari kupa rubatsira rwechikafu, magumbe pamwe nezvekupfeka.
VaMugano vanoti vakazongonzwa vanhu vachishevedzera kuti "moto, moto" munguva dzavakange vave kugadzirira kurara.
Vanoti sezvo moto uyu waipararira nekukasika nekuda kwekuti dzimba zhinji dziri pedyo nepedyo, vakangokwanisa kukubuda nehembe shoma shoma, vachibva vaenda panzvimbo yezvitoro iri pedyo, apo pavakazorara kusvika kwachena.
Mushure mekubvumidzwa nemapurisa kuti vachidzokera, vanoti vakawana zvinhu zvese zvangove dota.
Pari zvino vanoti vari mushishi kuvaka zvakare, asi vanoti kunyange hazvo vari kubatsirwa nevari kubatsira, zvinhu zvacho zvinenge zviri zvishoma sezvo vanhu vari kuda rubatsiro vakawandisa.
Vanoda kubatsira vanogona kubata VaMugano panhambo dzavo dzenharembozha dzinoti +27 613 487 949.
Forum