Sangano rinoongorora mamiriro ezvinhu munyika, reZimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT), rinoti zvekudya nezvimwe zvinodiwa kuti vanhu vararame zvakwira mitengo zvasiya vanhu vakawanda vachitambura.
Vachitaura nevatori venhau nhasi, mukuru anoona nezvetsvakiridzo yemamiriro akaita zvinhu kuZIMSTAT (Director, Production Statistics), Amai Matiwonesa Phiri, vati zvinhu zvakwira mitengo zvakanyanya kana zvichienzaniswa nenguva ino gore rapera.
Amai Phiri vati, “Tichitarisa Gunyana wegore rino newegore rapera, tinoona kuti zvinhu zvakakwira nezvikamu zvinosvika gumi nesere, nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 18.4%. Kuchitiwo kana tichienzanisa mwedzi wadarika waNyamavhuvhu, neuno waGunyana, tinoona kuti zvinhu zvakakwira nechikamu chimwechete kuva muzana, kana kuti 1%.”
Amai Phiri vatiwo mari yave kudiwa pamunhu mumwechete kuti ararame zvakanaka pazuva yakati kwireyi kana zvichienzaniswa neyaidiwa nemunhu mumwedzi wadarika waNyamavhuvhu. Vatiwo, “Munhu kuti ararame zvatingati zviri nani, achiwana zvekudya nezvimwewo zvikwanisiro mumwedzi wapera waNyamavhuvhu, aida ZZWL$91 063.30 asi mari iyi yakakwira mwedzi uno, yava pa ZWL$95 463.00. Pamari idzi, tinenge tichitarisa zvikwanisiro zvingadiwa nevanhu vatinogona kuti varombo.”
Zvimwe zvabuda pamusangano nevatori venhau uyu ndezvekuti pane mukaha mukuru pakati pemari yakapinda munyika mumwedzi waNyamavhuvhu, mushure mekutengeserana nedzimwe nyika, iyo yanzi yaiva shoma nezvikamu zvishanu nezviga zvina kubva muzana, kana kuti 5.4 percent, pane mari yakabuditswa neZimbawe ichitenga zvinhu kune dzimwe nyika.
Sachigaro wekomishini inomirira vatengi, ye Consumer Protection Commission, VaMthokozisi Nkosi, vanoti zvabuditswa neZIMSTAT izvi zvinoratidza kuti vatengi vari kutsva kumusana nekudumbu. VaNkosi vati, “Zvinokatyamadza zvataurwa neZIMSTAT nekuti zvinoreva kuti mari yekushandisa inotambirwa nevatengi, yava kushaya basa."
Vatiwo, "Vazhinji vavo vavakuti kana vakabva kumabasa avo anobva makuseni kusvika na5, voenda kunoita mamwe mabhindauko anovapa chouviri. Izvi zvinoita kuti vasawane nguva yekuzorora, zvinova zvisina kuzonakirawo hutano hwavo, uye zvinodzikisa pundutso yavo mumabasa avo.”
VaNkosi vaenderera mberi vachiti hurumende inofanira kupindira nekukasika kugadzirisa nyaya yekukwira kwemitengo yezvinhu iyi. Vati, “Dai zvaibvira, hurumende yaibvisa mari dzakawanda dzinodiwa kuti zvinhu zvipinde munyika, kunyanya kana zviri zvinoda kushandiswa nevanhu zvakanyanya. Kana zvekunze zviine mitengo iri nani, zvingabatsira kana zvikawaniswa mukana wekupinda muno vanhu vabatsirike." Vaenderera mberi vachiti, "Chimwe ndechekuti kana paine mamwe maTaxes anogona kumbobviswa kana kudzikiswa, kuitira kuti mitengo yezvinhu idzike, dai zvaiytwa sekudaro.”
Asi mukuru wekambani yeBullion Group International uyewo vachiongorora nyaya dzezvehupfumi hwenyika variwo chipangamazano che reReserve Bank of Zimbabwe kana kuti RBZ, VaPersistence Gwanyanya, vanoti kunyange paine kukwira kwemitengo kwaitika, vanhu havafaniri kunyanya kuvhunduka. VaGwanyanya vati, “Ichokwadi kuti zvinhu zvinogona kunge zvichiita sezvakaoma asi hazvifaniri kushaisa vanhu hope." Vatizev, "Hurumende nemapazi ayo hatingati vakundikana kugadzirisa zvinhu. Kukwira kwakaita mitengo inyaya iri kugadziriswa, sezvo zvikonzero zvacho zvichizivikanwa.”
Asi imwewo nyanzvi inowongorora nyaya dzezvehupfumi uye vari mukuru wekambani ye Finx Zimbabwe, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti kupera simba kwemari yemunyika ndiko kuri kukonzeresa matambudziko ari kusanganikwa nawo muhupfumi hwenyika.
Muzvare Zengeni vati, “Kunyange havo vachiti mari yemuno yakawedzera simba, zviri kuitika ndezvekuti iri kushaya simba, nekuti chero mukatarisa pamusika wehurumende, kuchitiwo pamusika mutema, dhora remunyika rakadonha." Vaeenderera mberi vachitiwo, "Izvi zvinoita kuti mitengo yezvinhu ikwire, kunyange hayo yanga yambova nani. Zvinogona kuitawo kuti donzvo rehurumende rekuti panopera gore zvinhu zvinge zvangokwira nechikamu chimwechete kusvika pazviviri kubva muzana, rinetse kuzadzikisa.”
Studio 7 yaedza kubata gurukota rinoona nezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, asi vanga vasiri kudavira mbozhanhare yavo, zvimwezvo nagavhuna webhanga guru renyika reRBZ, VaJohn Mangudya.
Asiwo vamwe vanoongorora nyaya dzehupfumi vanoti hurumende iri kuhwanda nemunwe kana ichiti zvinhu munyika zvakagadzikana ivo vanhu vakawanda, kunyanya kumaruwa, vari kunonga svosve nemuromo.
Vachitaura kuUnited Nations svondo rapera, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakati Zimbabwe ndiyo nyika ine hupfumi huri kukura kudarika nyika dzose dzemuSADC mumakore matatu adarika. Asi vanopikisa vanoti muromo wagara hauzarirwe nerwizi.
Nezuro, chikamu cheRBZ, cheMonetary Policy Committee, chakaita musangano wekuedza kubuda nenzira dzekudzikamisa hupfumi hwenyika, uye zvakabuda mumusangano uyu zviri kutarisirwa kuziviswa chero nguva ipi zvayo.
Forum