Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yocherechedza Zuva Rekupa Vanhu Kodzero yeKuwana Mashoko Akakodzera neNguva


VaNdavaningi Mangwana
VaNdavaningi Mangwana

Zimbabwe nhasi yabatana nedzimwe nedzimwe nyika kucherechedza zuva rekuti vanhu vave nekodzero yekuti vatsvage uye kuwaniswa pamwe nekupawoi vamwe mashoko zviri nyore kana kuti Universal Accesss to Information.

Iyi ikodzero yevanhu yekuti vataure pasina kumbunyikidzwa kana kuti Freedom of Speech. Munyika hamuna hamo kuwirirana kuti Zimbabwe iri kuzadzikisa kozero iyi here.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko Doctor Jenfan Muswere nemunyori mukuru mubazi ravo VaNick Mangwana ndivo vange vari vanyarikani pachirongwa chekucherechedza zuva iri muHarare nhasi.

VaMuswere vaudza vatori venhau kuti hurumende yaita zvakawanda kuti zvive nyore kuti vatori venhau vaite basa ravo vachibvisa mitemo yaishorwa nevakawanda..

Vaendererawo mberi vachiti vari kupa marezinesi kune vakawanda kuti vapinde munyaya dzekutepfenyura.

Asi vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reMISA Zimbabwe VaMarlvin Mukudu vatenda kuti pane zvimwe zvachinja asi vati vatiwo hurumende yakapa nerudyi ikatora neruboshwe sezvo yakabvisa mimwe mitemo yaikanganisa vatori venhau kuita basa yakaita seAIPPA asi ikadzika mimwe mitemo inombunyikidza vatori venhau yakaita seweData Protection Act wa2021.

Senator Ishmael Zhou avo vanomirira vakaremara vanoti pane mamwe matambudziko avari kusangana navo anoda kugadziriswa kuti vakwanise kuwana mashoko akakosha nyore.

Musi wa 28 Gunyana gore rega rega pasi rose rinocherechedza zuva rekuti vanhu vawane ruzivo rwakakwana kuti vatore matanhano vadzamisa pfungwa kana kuti International Day for Universal Access to information. UNESCO ndiyo yakatanga kucherechedza zuva iri muna 2015 United Nations Geneal Assembly ikazoritambira zviri pamutemo muna 2019. Dingindira regore rino rakanangana nekutarisa kukosha kwemadandemutande mukuwanisa anhu ruzivo.

Forum

XS
SM
MD
LG