Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vatanhatu Vanofa Mutsaona yeKudonha kweNdege Duku yeMurowa Diamonds Company kuMashava


Kuparara kwaita ndege yadonha kuMashava, kuMasvingo.
Kuparara kwaita ndege yadonha kuMashava, kuMasvingo.

Vanhu vatanhatu vekukambani yemigodhi yeMurowa Diamonds Mine, vafira mutsaona yekudonha kwendege diki yavange vachifamba nayo munharaunda yePeterhouse Farm kuZvamahande, kuMashva mudunhu reMasvingo neChishanu mangwanani.

Vaviri vevanhu ava vanonzi zvizvarwa zveZimbabwe, vamwe vana vachinzi zvizvarwa zvenyika yeIndia.

Ndege iyi inonzi yange ichibva kuHarare yakananga kumugodhi wemangoda weMurowa Diamonds uri kwaChivi, uye hazvisati zvazivikanwa kuti chii chakonzeresa njodzi yemuchadenga iyi.

Nzvimbo yadonhera ndege kuMashava.
Nzvimbo yadonhera ndege kuMashava.

Pasvika nhepfenyuro yeStudio 7 padonhera ndege iyi, vagari vemumaruwa emunharaunda maitikira njodzi iyi, avo vanga vachibatsirana nemapurisa kunhonga mitumbi vachiunganidza, vati vangonzwa ruzha mangwanani ndege ichiri mudenga nepayadonha vakamhanya kuzobatsira asi hapana kana akwanisa kurarama pane vange varimo vese kusanganisira mutyairi.

Mumwe wevatanga kusvika, VaElias Mvunzo, vati vamhanya vachifunga kuti vangakwanisa kunobatsira kununura vanhu asi vawana vanhu vatotsakatika mitumbi yabvarurwa bvarurwa uye dzimwe nyama dzemuviri dzakaparira panzvimbo iyi pamwe nekupaikira mumiti.

“Tichienda kumasowe kuchechi tahwa ndege ichifamba nudenga asi kutinhira kwayo hakusiko tokazonzwa sound pakudonha tikamhanya tichiti tingayamura asi tawanda vanhu vatsakatika tikazofonera kanzera wedu akabata mapurisa,” vadaro VaNvunzo.

Ambuya Martha Ndlovhu vemunzvimbo iyi vati vatanga kunzwa ruzha rwendege ichiri mudenga kusvika pakudonha.

“Ndanga ndiri pedo nenzira pandahwa kuti hwihwi, ndabva ndatarisa mudenga asi
hapana chandaona nekuti kwange kune mhute, asi ndazohwa kuti dhii tikazonzwa kuti ndege yadonha ndopatazouya tiakwana zvadai,” Mbuya Ndlovhu vadaro.

Zvimwe zvaunganidzwa patsaona yendege kuMashava.
Zvimwe zvaunganidzwa patsaona yendege kuMashava.

Zvasara pamitumbi yevanhu izvi zvangoiswa mubhokisi remapurisa resimbi
rimwechete uye zvange zvichinetsa kuziva kuti uyu ndiyani. Muzvare Nyashadzashe Dzimba vemakare muMashava, vati vakwanisa kuona ndege iyi ichipidiguka pidiguka ichiri mudenga isati yadonha. “Ndange ndichifmba ndikaona ndge ichipidiguka pidiguka mudenga ndikangofunga kuti irikuita masitaira hayo asi ndazonzwa kuti dhiii, ndikaziva kuti yadonha,” Muzvare Dzimba vadaro.

Kanzera wenzvimbo iyi yeWard 33 vari vebato reZanu PF, VaTawanda Dube, vati njodzi iyi yaitikira munzvimbo mavo yavarwadza zvikuru.

“Zvaitika muznvimbo medu zvatisiririsa patasvika pawana flesh yakazarqa nzvimbo yese pasingatsikiki pasi apao imwe iri mumiti zvatirwadza zvikuru,” vadaro VaDube.

Kanzura veWard 33 VaTawanda Dube.
Kanzura veWard 33 VaTawanda Dube.

Mutauriri wemapurisa, Assistant Commisioner, Paul Nyathi, vatenda kuti tsaona iyi yaitika asi vati vachiri kuferefeta kuti vawane zvaitika zvizere vozotura mashoko kuvatori venhau.

Vakuru vakuru vekambani yeMurowa Diamonds vange vari paitikira tsaona iyi varamba kutaura nevatori venhau vachiti nyaya ichiri mumaoko emapurisa.

Pakati pezvinhu zvawanikwa panzvimbo iyi pange paine mapasipoti mana evanhu vekunyika yeIndia nemaviri evemuZimbabwe.

Kambani yeMurowa Diamonds, iyo iri pasi pekambani yeRio Zimbabwe,
inonzi iri ndeyezvizvarwa zvekuIndia.

Iyi yave njodzi yechipiri gore rino yekudonha kwendege dzinenge dzine vanhu vekambani yeMurowa Diamonds sezvo imwe yakadonha zvakare muna Kukadzi gore rino kunharaunda yeBeatrice mudunhu reMashonaland East asi hapana kurasika kwehupenyu kwakaitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG