Sangano rinomirira makambani anogadzira zvinhu munyika, reConfederation of Zimbabwe Industries (CZI), rinoti mitemo ine chekuita nemashandiro avo inoda kuvandudzwa zvakanyanya kuitira kuti makambani aya akwanise kupunduka pasina zvipingaidzo, sezvaari kusangana nazvo pari zvino.
Vachitaura nhasi muHarare pagungano rekuparura kupemberera makore zana ekushanda muZimbabwe, mukuru weCZI, Amai Sekai Kuvarika, vati makambani makuru ari kushanda zvakamanikana kana zvichienzaniswa nemadiki zvavati zvinoda kushandurwa kuitira kuti remangwana ringe rakareruka.
“Zvazviri pari zvino, pane kurwisana kuri kuitika pakati pemabhizimusi madiki nemakuru, kunyanya pakukweretesana nepakuisa mitengo pazvinhu. Saka dzimwe dzenguva, vamwe vedu vanogona kunge vachikwanisa kukurumidza kutenderera matambudziko aya, asi mabhizimusi makuru anogona kunetseka nekuti vanotevedza mitemo, uye vane mitero yavanobhadhara.
"Takaudza hurumende nezvematambudziko aya, ikamboedza kudzikamisa zvinhu tisati taenda kusarudzo; saka apa takamirira kuzosangana navo zvekare sezvo sarudzo dzapera.”
Vaenderera mberi Amai Kuvarika vachiti mabhizimusi emuno anokwanisa kukwikwidzawo mune dzimwe nyika asi mitemo yemuno inovadzosera kumashure.
“Pane mikana yakakura chose kunze kwenyika inoda kuti isu sevemabhizimusi, tibatane nehurumende. Mikana iyi inopundutsa mabhizimusi, hongu, asi nenyika zvekare, naizvozvo panoda kuti vemabhizimusi vakati kuti tikwanise kutengeserawo dzimwe nyika tinoda izvi neizvi, hurumende inofanira kuzopindirawo nekudzika mitemo inotsigira mabhizimusi aya.”
Vaimbove mukuru wesangano rinoona nezvemabhizimusi, reZimbawe National Chamber of Commerce, VaDavison Norupiri, vanoti chitsvambe chiri kunaanamuzvinabhizimusi kuti zvigadzirwa zvemunyika zvikwanisewo kutengeswa kunze.
“Mutungamiri wenyika pavanoshanyira nyika dzakasiyana-siyana, havaregi kutaura nezvemabhizimusi emuno- vachigadzira mikana yekuti tikwanise kupindawo mune dzimwe nyika nezvigadzirwa zvedu. Vazhinji havasi kuona mikana iyoyi, asi kune vane muono, vari kuibatisisa. Saka zvave kwatiri saanamuzvinabhizimusi kuti tikwanise kutora zvinhu zvedu tichizviendesa kunze kwenyika.”
Asi mukuru wesangano remabhizimusi madiki, reSMEs International Expo, VaDelight Makotose, vaudza Studio 7 kuti kunyange makambani makuru achiti ari kubatwa nekuseri kweruoko, hausi mutserendende kune avowo achiri kukura.
“Kutaura kuno, mabhizimusi madiki ndiwo akabata hupfumi hwenyika, saka vanoda kubatwawo zvakanaka. Zvino tine mitemo inodzvinyirira, mimwe yacho yekuma1972. Tikatarisa mitemo yakaiswa neRBZ yekuti mabhizimusi akwanise kutora mari kumabhanga, inodzivirira maSMEs. Kuchitiwo munyaya yezvivakwa, mukatarisa paGlen View 8, pava nemakore mangani pachingotsva, asi dambudziko iri risiri kugadzirwa? Hurumende dai yakwanisa kupindirawo ipapo.”
Studio 7 yaedza kubata gurukota rinoona nezvemaindastiri, Amai Sithembiso Nyoni, asi mbozhanhare yavo yanga isiri kupinda, kuchitiwo munyori mubazi iri, Amai Mavis Sibanda, vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo, sekuvimbisa kwavanga vaita.
Asi hurumende inogara ichiti iri kuvandudza mitemo ine chekuita nemabhizimusi kuitira kuti ashande mune zvakanaka uye kukwezva vekunze.
Nyanzvi inoongorora nyaya dzehupfumi uye vachitungamira sangano reCoalition for Market and Liberal Solutions, VaRejoice Ngwenya, vanoti mutunhu une mago kuti zvigadzirwa zvemuno zvikwanise kukwikwidza nezvedzimwe nyika dzemuAfrica.
“CZI ine muono wakanaka chose, asi handioni chishuwo chavo chichizadzikiswa nekuti mabhizimusi emuno anosangana nezvipingaidzo zvakawanda, zvinoita kuti zvigadzirwa zvemuno zvidhure- zvinosanganisira kudhura kwemagetsi nekudhura kwemarizinesi akati wandeyi.
"Nyika dzakaita seSouth Africa neTanzania, hadzina zvipingaidzo zvakadai, zvinoita kuti zvavanogadzira zvisadhure zvakanyanya. Kunyange mhando yezvinhu zvinotogadzirwa muno, yakati siyanei nekunedzimwe nyika- muenzaniso uri wekuti bhodhoro remvura yemuno unotoda chipanera kuti ukwanise kurivhura. Saka tichiri parefu kuti tikwikwidze nedzimwe nyika.”
Nhasi CZI yazivisa kuti ichange ichipemberera makore zana ekushanda muZimbabwe mwedzi unotevera, uye sangano iri richaremekedza mamwe makambani achiri akamira kubva munguva nyika isati yawana kuzvitonga kuzere.
Asi mabhizimusi makuru akawanda munyika ari kuchema pamusoro pematambudziko anosanganisira kukwira kwemafuta edzimotokari, kushomeka kwemoto wemagetsi, michina yakwegura, uye mitemo yakawanda-wanda yaanoti inovadzvayirira zviri kuzovadzosera kumashure mumabhizimusi avo.
Forum