Mukaha pakati pemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato rinopikisa VaNelson Chamisa unenge uri kutonyanya kuwedzera apo SADC iri kuyedza kupodza kusagadzikana munyika.
Mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema vanova sachigaro weSADC Troika iri kubata nyaya yeZimbabwe vari kutarisirwa kupira gwaro zvezvakabuda musarudzo idzi kune vamwe vatungamiri veSADC kusanganisira sachigaro wacho VaJoão Manuel Gonçalves Lourenço vanova mutungamiri weAngola.
Vane ruzivo nezviri kuitika muSADC vanoti pari kurongwa mumwe musangano wechimbichimbi kana kuti extra-ordinary summit sezvo vamwe vakuru muhurumende yeZimbabwe vari kupomerwa mhosva yekutyisidzira VaHichilema.
Svondo rapera, VaHichilema vakokera musangano wechimbi-chimbi kana kuti extraordinary SADC Troika kuti vazeye nyaya yesarudzo dzichangopera muZimbabwe uye mamiriro akaita zvinhu muDRC umo mune hondo.
Vamwe vapinda mumumusangano uyu mutungamiri wenyika yeTanzania Amai Samia Suluhu Hassan, mutungamiri weNamibia VaHage Geingob uye mutungamiri weDRC VaFélix Tshisekedi
Kunyangwe vakawanda vari kukurudzira nhaurirano zvikuru pakati paVaMnangagwa naVaChamisa parizvino vaviri ava makara asionane.
VaMnangawa vachinyora mubepanhau reSunday Mail vati vave kumutsiridza nhaurirano pasi pePOLAD.
Asi VaChamisa vakatoudza Studio 7 kuti zvePOLAD ndezvemugotsi matsuro uye havafe vakapinda mugungano iri. VaChamisa vanoti vanoda kuti paumbwe komiti inofanobata matomu kana kuti Transitional Authority inogadzirisa matambudziko enyika.
Mutungamiri webato rinopikisa reFreeZim Congress VaJoseph Makamba Busha vanoti POLAD iri kushandiswa naVaMnangagwa kuti vanopikisa vashaye huturu mushure mekupihwa motokari nezvimwe asi vanhu vachitambura.
Asi mutungamirti weNCA Muzvinafundop Lovemore Madhuku vakakwikwidzawo sarudzo dzemutungamiri wenyika vanoti POLAD yakwanisa kuunza runyarar munyika kubva zvayakaumbwa makore mashanu adarika.
Forum