Sangano rekuAmerica reUSAID nhasi raparura homwe inodarika miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru zvemadhora eku America kurwisa nzara nekuderedza hurombo mudunhu reChiredzi.
Chirongwa ichi chirikusheedzwa kuti 'Strengthening Community Resilience Initiative' uye chiri kutarisirwa kuitwa gore.
Homwe iyi yaparurwa mumusangano waitirwa panzvimbo yeClevers Hotel nhasi mudhorobha reChiredzi uchipindwa nemasangano akasiyana siyana uye vashandi vehurumende vanosanganisira hofisi yamudzviti, makanzura uye komiti inoona nezvehutano nebudiriro mudunhu iri ye District Water and Sanitation Sub-Committee kana kuti (DWSSC).
Mukuru wesangano ririkushanda ne USAID mukushandiswa kwehomwe iyi re Mwenezi Development Training Centre Amai Promise Makoni, vanotsanangura mashandisirwe echaitwa homwe iyi.
Homwe iyi iri kunzi ichatsigira zvirongwa zvakaita sekuchera zvibhorani zvisere (8) zvichishandisa simba rezuva kana kuti solar, kuvaka matanga ehuku uye kudzidzisa vagari vekumaruwa kushandisa michina yechizvinozvino inoshanda nemoto wezuva pakutsotsonya mazai kana kuti (solar-powered incubators.)
Misha inosvika mazana masere nemakumi matanhatu kana kuti (860) inotarisirwa kubatsirwa nezvirongwa zvehuku izvi. Homwe iyi iri kutarisirwawo zvekare kuzotsigira pakuvakwa kwezvimbuzi kusimudzira hutano kunzvimbo iyi.
Amai Makoni vatiwo vechidiki vachawaniswawo mikana yekudzidzirawo mabasa emaoko kana kuti vocational training kuburikidza nehomwe iyi.
Sachigaro we komiti ye DWSSC mu Chiredzi VaSam Takaniza, vaudza Studio 7 kuti vanofara zvikuru nedanho ratorwa ne USAID uye vanovimba kuti zvichasimudzira nzvimbo iyi.
Mwedzi wapfuura, hurumende ye America kuburikidza ne USAID, yakazivisa kuti panozosvika gore ra2030 zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvezvirongwa zvesangano iri zvichange zvichikokerwa nemasangano emunyika munharaunda dzakasiyanasiyana.
Sangano reMwenezi Development Training Centre nderimwe remasangano mashoma munyika ari kutungamira zvirongwa munharaunda pasi pezvirongwa zveUSAID.
Forum