Accessibility links

Breaking News

Mumwedzi waGumiguru: Madzimai Okurudzirwa Kunovhenekwa Chirwere cheGomarara repaZamu


"Smart Bra" by robotics engineer Kemisola Bolarinwa
"Smart Bra" by robotics engineer Kemisola Bolarinwa

Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika kucherechedza mwedzi waGumiguru unoshandiswa kuyeuchidza vanhu nezvechirwere chegomarara repazamu kana kuti breast cancer iro rinobata madzimai mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu kana kuti 2,3 million.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinokurudzira madzimai kuti kutanga pamakore makumi mana kunyanya kana ari pasi kune vaye vane mhuri dzine nhoroondo yechirwere ichi kuti vanovhenekwa navanachiremba gore rega rega, chirwere ichi chisati chakomba.

Vamwe vari kuita zvirongwa zvekuti madzimai azive nezvedenda iri ndi Muzvare Diana Mushonga vanoshanda paGunhill Medical Centre muHarare.Muzvare Mushonga vaudza Studio 7 kuti kubva musi weChina vhiki rino, vachaunganidza madzimai achapupura nzendo dzavafamba vachirapwa gomarara repazamu.

Vaendera mberi vachiti zviri nani kuti mukadzi azive mamiriro akaita hutano hwake nokuti denda regomarara rinodhura kurapa kana rapararira.

Amai Bea Sarah vanoti vakaitwa oparesheni yokubvisa zamu muna 2019 uye vanoti semunhu ainge asingashande zvakavaomera zvikuru.

Amai Sarah vanoti mushure mokunge vabviswa zamu racho, vakatanga kupihwa mapiritsi kana kuti chemotherapy uye kupiswa kana kuti radiotherapy.

Vanoita nezvetsvakiridzo yechirwere chegomarara musangano reCancer Association of Zimbabwe kana kuti CAZ, VaLovemore Makurirofa, vanoti mapazi anoona nezvehutano anofanira kukoshesa kodzero dzevarapwi vegomarara repazamu kuti varerutsirwe pakurarama kwavo.

Vaendera mberi vachiti CAZ ichange iine chirongwa chokuvheneka madzimai mazamu pachena senzira yokudzidzisa uye kudereredza huwandu hwevanofa nechirwere ichi.

Nyanzvi yezvirwere zvemagomarara, Dr Anne Mary Nyakabau vatsinhirawo vachiti mhuri, makereke uye nevagari vemunharaunda dzakasiyana siyana vanofanira kufambisa mashoko anosimudzira nekukurudzira vanhu kuti vasatya kunovhenekwa nenyanzvi kuzvipatara.

Vanachiremba vanoti zvimwe zvinoratidza kuti munhu ave negomarara repazamu zvinosanganisira kuva nebundu muzamu, kushanduka kwemamiriro ezamu, kubusitsa inenge mvura pamunyatso, kuchinja kwerruvara rweganda pazamu nezvimwe.

Sangano reCancer Registry rinoti tsvagurudzo yakaitwa muna 2018, inoratidza kuti gomarara repazamu ndiro rimwe remamwe magomarara riri pamusoro rinobata vanhukadzi munyika.

Vanhu vakafa nemagomarara akasiyana siyana muongoro iyi vanosvika zviuru zviviri nemazana manomwe nemakumi mana nevatatu kana kuti 2 743.

Kudzivirira kubatwa nechirwere ichi, vanhu vanokurudzirwa kudya chikafu chechinyakare, kupota vachigwinyisa miviri uye kuongororwa pagore navanachiremba. Chirwere chegomarara repazamu chinobatawo vanhurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG