Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika nhasi kucherechedza zuva revarairidzi kana kuti World Teachers Day. Asi masangano anomirira varairidzi akawanda anoti haasi kufara nemamiriro akaita zvinhu munyika.
Mutungamiri werimwe sangano reAmalgamated Rural Teachers Union vati dingindira regore rino rakanangana nekushomeka kwevarairidzi rinotaura zviri kuitika munyika. Vanoti chapa kuti varairidzi vaite vashoma inyaya yekusapihwa mari ine chiremera.
Mutungamiri werimwe sangano rinomirira veZIMTA VaRichard Gundani vaudza Studio 7 kuti zuva ranhasi rakakosha uye rinoyeuchidzawo hurumende kuti iuye nezvirongwa zvekusimudzira varairidzi kunyangwe pavanenge vave pamudyandigere.
Vaenderera mberi vachiti kunze kwemari, pane zvimwe zvinoda kugadziriswa zvakafanana nedzimba dzinogara varairidzi.
Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Dr Takavafira Zhou vatiwo varairidzi vari kutambura munyika nekuda kwekutambiriswa mutero wembwa.
Mutauriri webazi rezvekuburitswa kwemashoko VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti hurumende inoremekedza varairidzi nekuzvipira kwavo pabasa. Vati hurumende ichayedza nepose painogona kusimudzira hupenyu hwevarairidzi.
Kubva muna 1994, World Teachers Day kana kuti International Teachers Day izuva rinopembererwa pasi rose musi wa 5 Gumiguru. Hurongwa uhu hwakaparurwa neUnited Nations Organization for Education, Science and Culture (UNESCO) kutenda mabasa anobatwa nevarairidzi.
Forum