Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nhasi vaita musangano nemutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa pamuganhu wenyika mbiri idzi.
VaRamaphosa vaudza vatori venhau kuti mumusangano wavo naVaMnangagwa vataura nyaya yekuti vanoda kugarisana sevavakidzani murunyararo.
Vachiparura zviri pamutemo kushanda kweboka rehurumende yavo rekuchengetedza miganhu kana kuti Border Management Authority, VaRamaphosa vati vanhu vakawanda vari kupinda munyika yavo vasina magwaro akakwana uye vari kukonzera kusagadzikana munyaya dzemagariro evanhu nehupfumi.
Border Agency yaparurwa naVaRamaphosa ibazi rechitatu munyika iyi kuona nezvekudzivirirwa kwemukati nekunze kwenyika zvichitevera mauto uye mapurisa.
Mapurisa epabhodha aya anenge achishandawo nemauto. Ongororo yakaitwa muna 2011 yakaratidza kuti vanhu vanoda kusvika mamiriyi mana vanogara muSouth Africa zvisiri pamutemo. Zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvakawandisa zviri muSouth Africa zvichienzaniswa nedzimwe nyika.
Nyanzvi dzinotiwo nyaya yekushomeka kwemabasa yave kupa kuti paite ropa rakaipa pakati pezvizvarwa zveSouth Africa nezvekunze zvichimbokozera kudeuka kweropa.
Mutungamiri we sangano rinomiririra vanotenga nekutengesa vachiyambuka miganhu ye nyika re International Cross-Border Traders Association, VaDennis Juru vati zvinonetsa kumisa vanhu vemuZimbabwe kuenda kunotsvaga cheuviri muSouth Africa.
Vati kugadzikana kweZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika ndizvo chete zvingapa kuti vanhu vasade kutiza muZimbabwe.
Forum