Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vapfuura Makore Zana Vanoitirwa Mabiko eKupemberera Chipo Chehupenyu


Vakweguri vadarika makore zana vemuBulawayo
Vakweguri vadarika makore zana vemuBulawayo

Rimwe sangano rinoshanda nevagari muguta reBulawayo, reSpa Community Trust, richishanda pamwechete nekanzuru yeguta reBulawayo nechikoro chepamusoro cheNational University of Science and Technology, NUST, neChishanu rakaita mabiko ekucherechedza vamwe vagari vakwegura zvekudarika makore zana muguta reBulawayo.

Sangano iri rinoti rakaita mabiko aya senzira yekuvaremekedza nayo uye kubatsira kutaura pamusoro pematambudziko anosangana nevakwegura mukurarama kwavo.

Painge paine mufaro mukuru munhandare yeZITF Exhibition Centre, apo vanhu vane chitsama vaungana vachipemberera kuve nehupenyu hwakareba kwavanasorojena ava.

Mamwe emakambani akaita kuti mabiko abudirire.
Mamwe emakambani akaita kuti mabiko abudirire.

Mbuya Langelihle Khumalo vane makore zana negumi, 110. Vachiri kukwanisa kufamba vega, pamwe nekuona asi vave munhu asingachatauri mashoko akawanda. Vakaudza Studio 7 kuti havana zvavangaraira vanhu kunyanya vechidiki vemazuvano nekuti vanozviti vakadzidza.

Asi mumwe wevazukuru wavo, Amai Sithembiso Ndebele, vanove mejasitireti, vakati mbuya vavo vanokoshesa kuti vanhu vave nekukudzana nerudo.

“KwaKhumalo kwavaive vakaroorwa paive pabarika. Saka vanogara vachitaura kuti kwanga kusina kuvengana kwaveko mazuvano kwekuti vemhuri imwe vamwe vari vekwamaiguru vamwe vari vekwamainini vanovengana.

"Vanoti ivo nemudzimai mudiki wemurume wavo vainzwana zvikuru zvekuti vaigara mumba imwe chete vachibika pamwe chete. Saka vanogara vachitiudza kukosha kwakaita kudanana pasina kuti iwe uri weimba ipi uyu ndewe imba ipi…kana muri mhuri imwe chete munofanirwa kubatana.”

Mbuya Lina Chitundu, vave nemakore zana nemaviri ekuberekwa uye vachiriwo kugona kufamba, kuona, nekunzwa pamwe nekutaura, vachiti vakatanga kugara muguta reBulawayo nemurume wavo mugore ra1957 kusvika pari zvino.

Vamwe vakweguri vachiremekedzwa.
Vamwe vakweguri vachiremekedzwa.

Vanoti kunyange zvavo vasina kuenda kuchikoro vaikwanisa kuverenga apo maziso avo aive achiri kunyatsoona.

“Nguva yedu zvechikoro zvaisanyanya kukosheswa.Asi mukushanda kwandakaita muVarungu ndakadzidza kuverenga nekunyora. Maziso angu paaive achaona zviri nani ndaiedzawo chose kuverenga nekunyora. Handidi kureva nhema.”

Mudzimai wemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, Amai Miniyothabo Baloyi-Chiwenga, avo vainge vari munyarikani mukuru pachiitiko ichi, vakati zvakakosha kupemberera nekukudza vakwegura nekuti ndivo matenhe eruzivo, uye kunobva huchenjeri hwakawanda.

“Tinoda kuziva kuti vana sekuru nana mbuya vaidya chii nekuti mazuvano tinofarira kudya zvinhu zvinokanganisa miviri yedu. Vaiziva kuchengetedza miviri yavo asi vechidiki vanhasi havachazvikoshesi.

"Vave kutora zvinodhaka zvakasiyana siyana zvinosanganisira mutoriro, doro nezvimwe uye maitiro akadai haangaiti kuti munhu uve nehupenyu hwakareba saanambuya naanasekuru vedu ava.”

Vakweguri vachicherechedzwa.
Vakweguri vachicherechedzwa.

Amai Nokuthula Ncube-Ndlovu, avo vanove mukuru wesangano reSpa Community Trust, vakatsinhirawo kukosha kwakaita kuchengetedza vakwegura, vakati itsika yechivanhu yekugara nevakwegura mudzimba pane kuvaendesa kumisha inochengeterwa vakwegura.

Gurukota redunhu reBulawayo, Amai Judith Ncube, pamwe nameya veBulawayo, VaDavid Coltart, ndevamwe wevanhu vakabatana nevakweguri vane makore adarika zana vanopfuura makumi matanhatu vabva kunzvimbo dzakasiyana siyana dzematunhu eBulawayo pachiitiko ichi.

Rave gore rechipiri veSpa Community Trust vachiita gungano iri senzira yekucherechedza zuva revakwegura, iro rinocherechedzwa pasi rose musi waOctober 1 gore rega rega.

Hatina kukwanisa kuwana huwandu hwevakwegura zvekudarika makore zana munyika, asi United Nations inoti inofungidzira kuti gore rapera pasi rose vanhu vaive nemakore anodarika zana vaive mazana mashanu ezviuru ane zviuru makumi mapfumbabwe nezvitatu, kana kuti 593,000.

Sekuru Willie Jameson Ndlovu, avo vane makore zana nematanhatu.
Sekuru Willie Jameson Ndlovu, avo vane makore zana nematanhatu.

Huwandu hwevanorarama kudarika makore zana hunonzi huri kukwira nekuda kwezvikonzero zvakasiyana siyana zvinosanganisira kudya kune hutano nemishonga yekurapa zvirwere zvakasiyanasiyana.

ZIMSTAT inoti muZimbabwe munhu anotarisirwa kurarama makore makumi matanhatu nemaviri,62.16, kana kuti life expectancy.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG