Mumwe murume wekuSakubva kwaMutare ange ari mujeri kwemwedzi wese achipomerwa mhosva yekutuka mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa akasungunurwa nedare mushure mekupindira kwesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights.
VaElroy Anesu Muchaya vakasungwa nemapurisa vachinzi vainge vatyora mutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act.
Vanonzi vakapinda mumahofisi eMutare Traffic Charge Office vakabvisa mufananidzo wavaMnangagwa vainge uri kumadziro vachitaura kuti “Munhu uyu ari kukonzeresa kuti nditambure”
Asi VaMuchaya vakazosungunurwa namejastirti Prisca Manhibi mushure mekuneg magweta anova nhengo dzeZLHR anoti VaChris Ndlovu naVaTakunda Musara vapindira.
Mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda vaudza Studio 7 kuti mumakore ose akatonga mushakabvu Robert Mugabe vanhu mazana maviri vakasungirwa nyaya yekuvatuka asi mumakore mashoma atanga kutonga VaMnangagwa vanhu vanodarika zana vatosungirwa nyaya iyi.
Forum