Accessibility links

Breaking News

Gweta Rinorwira Kodzero dzeVanhu, Amai Mtetwa, Vanoratidzira Vachishora Kudzingwa kweNhengo dzeCCC muParamende


Amai Beatrice Mtetwa
Amai Beatrice Mtetwa

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu munyika, Amai Beatrice Mtetwa, varatidzira muHarare vari vega vakatakura chinyorwa chakanzi "Tshabangu remekedza vhoti yedu."

Amai Mtetwa vati vaneta nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika uye vaona zvakakodzera kuti varatidzire vachiratidza kunyunyuta kwavo.

"Ndiri kurwadziwa nekutyorwa kuri kuitwa kodzero dzevanhu munyika avo vakavhotera vadare vavanoda asi votadza kumirirwa muparamende nevadare ava," Amai Mtetwa vaudza Studio7.

Vachitaurawo pamusoro pekudzingwa kwenhengo dzeTripple mudare nekushungurudzwa kunonzi kwaitwa nhengo idzi nemapurisa, Amai Mtwetwa vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kusave nehanya dzekuremekedza kodzero dzevanhu kuri kuitwa nevane masimba munyika.

"Zvese zviri kuitika izvi zvekudzingwa kwevadare muparamende zvinoratidza kuti vari kutonga uye mutauriri weparamende vanova gweta havana hanya yekuchengetedza kodzero dzeveruzhinji," Amai Mtetwa vanoenderera mberi vachidaro.

Gweta uye vari nhengo yeAdventist Lawyers Association, VaPaidamoyo Saurombe, vanoti kuratidzira kwaAmai Mtetwa kunobvumidzwa pasi pebumbiro remutemo wenyika.

"Zvataona zvichiitwa naAmai Mtetwa zvinoratidza hushingi hwavo uye zvinobvumidzwa pasi pebumbiro remitemo yenyika," VaSaurombe vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG