Danho rakaziviswa neChitatu nemutungamiri webato guru rinopikisa munyika, reCitizens’ Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa, rekuti nhengo dzavo dzichambomira kuenda kuparamende pamwe nekumakanzuru kusvika nyaya yekudzingwa kwedzimwe nhengo muparamende nemumakanzuru yagadziriswa riri kuonekwa nenzira dzakasiyanasiyana neveruzhinji.
Vamwe vari kupembedza danho iri vachiti rakanaka vachiti rinogona kuita kuti matambudziko atarisana nebato iri akaita sekuti ndiano ane masimba rigadziriswe, asi vamwe vanoti harishande asi kuti rinotopa masimba kune vari kuda kuti bato iri riparare.
VaSengezo Tshabangu, avo vanozviti ndivo munyori mukuru webato reCCC, vakanyora tsamba yakakonzeresa kudzingwa kwenhengo dzeparamende neseneti makumi maviri neina, (24), uye nhengo dzemakanzuru gumi nenomwe, (17).
Mushure mekuziviswa kwechisungo chemusangano weNational Assembly yeCCC chekuti nhengo dzebato iri hadzichaendi kuparamende, VaTshabangu vakabva vanyora zvakare imwe tsamba vachiyambira kuti vanenge vasina kuenda kuparamende vakachidzingwa.
Asi nhengo yeCCC, VaTim Muringai, vari kupomera bato reZanu PF mhosva yekushandisa VaTshabangu muhurongwa hwaro hwekuda kuparadza bato rinopikisa iri.
VaMuringai vanoti kusatevedzerwa kwetsamba yakabva kumutungamiri wavo, VaChamisa nemutauriri weparamende VaJacob Mudenda chiratidzo chekuti Zanu PF ndiyo iri kuruka tsoro yese iyi.
Asi nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti kana CCC riri bato rakarongeka rinofanirwa kutsvaga chaita kuti mwana acheme, kwete kutuka kana kurova mwana, vachiti zvimwe anenge atotesa mutambo wake.
VaMandaza vanoti vanopikisa ivava ndivo vakadzika mutemo wekuti nhengo dzidzingwe muparamende pavakanyora bumbiro remitemo muna 2013, nekudaro vave kurumwa nechekuchera.
Aka hakasi kekutanga kuti nhengo dzidzingwe muparamende.
Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vakakonzera kudzingwa kwedzimwe nhengo dzeCCC muparamende gore rapera.
Forum