Accessibility links

Breaking News

Gungano reSanganai/Hlanganani Rotanga Kuzeya Nyaya dzeKushanyirana


Hlanganani-Sanganai
Hlanganani-Sanganai

Gungano guru rekukurudzira nyaya dzekushanyira reSanganayi/ Hlanganani-World Tourim ratanga nhasi Zimbawe International Trade Fair kuBulawayo paine kurudziro yekuti paitwe mushandirapamwe pakati pebazi rezvekushanyirwa kwenyika nerekutakurwa kwezvinhu nevanhu kana kuti aviation.

Vatauri vaksiyana siyana vataura pamusangano weAviation Forum uyu vabvumirana kuti zvekushanyirana hazvingabudiriri kana zvekufambiswa kwevanhu kunyanya nendege zvisingafambi zvakanaka.

VaWengayi Nhau vanove mutungamiri weTourism Business Council of Zimbabwe vaudza Studio 7 kuti mumakore apfuura munyika maive nendege dzaisvika kunzvimbo dzine chitsama dzemunyika kusanganisira kunhandare nhandare diki dzakaita seBuffalo Range kuChiredzi vachiti hurongwa hwakadai hunovandudza zvekushanya.

VaNhau vatiwo kupararira kwechirwere cheCovid 19 kwakaratidza kuti zvakakoshavo kukurudzira kuti vanhu kuti vashanyewo kwete kumirira vashanyi vekunze chete.

VaNunurai Ndawana mutauriri wekambani yendege yeFast Jet vatsinhirawo kukosha kwekushanda pamwe kwevezvekushanyirana nevezvekufambiswa kwevanhu vakati kuveko kwechibvumirano cheSingle African Air Traffic Market, SAATM, kuchabatsira kukudza hupfumi hwenyika dzemuAfrica muzvikamu zvekushanyirana nezvekufambiswa kwevanhu.

Muzvare Winnie Muchanyuka mukuru weZimbabwe Tourism Authority vaudza Studio 7 kuti sangano ravo iro rinove ndiro rinoita gungano reSanganayi/ Hlanganani, raona zvakakosha kuve nemusangano wakadai kuti pave nemushandirapamwe kuti mabasa ezvekushanyirana asimukire.

Vati zvisinei nekuchemachema kwevakawanda kuti mitengo inoiswa nevemabhizimisi ezvekushanyirana munyika yakakura, vanoona chikamu chezvekushanyirana munyika chiri kukura.

Pamusangano uyu pabudawo pfungwa dzekuti zvakakosha kumutsurudza Air Zimbabwe nekuti inobatsira mukushambadza nyika munyaya dzezvekushanyirana. Asi nyanzvi dzinoti izvi zvakaoma sezvo kambani iyi iine zvikwereti zvakawanda kumamwe makambani nekuvashandi vayo.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudiriro paBindura University of Science Education VaFelix Chari vati musangano uyu wakakosha. Gungano reSanganayi/ Hlanganani rinopera musi weMugovera.

Forum

XS
SM
MD
LG