Accessibility links

Breaking News

CCC Yoramba Zvekuti Pane Vaenda kuDare reParamende Vachipikisa Chisungo cheBato


Nelson Chamisa, Zimbabwe main opposition leader of Citizens Coalition for Change in Harare, on Aug. 27, 2023 where he said he disputed Wednesday general election. (Columbus Mavhunga/VOA)
Nelson Chamisa, Zimbabwe main opposition leader of Citizens Coalition for Change in Harare, on Aug. 27, 2023 where he said he disputed Wednesday general election. (Columbus Mavhunga/VOA)

Vanokokera bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change mudare reparamende VaAmos Chibaya varamba nyaya yekuti nhengo dzebato ravo hadzina kuteerera kurudziro yemutungamiri wavo VaNelson Chamisa yekuti vasaende kudare reparamende.

Nhasi nhengo ina dzeTripple C dzinoti VaAmos Chibaya, vanova mukokeri webato iri mudare reparamende, nemaseneta matatu anoti VaJames Timba, VaMurisi Zwizwai uye Amai Nonhlala Mlotshwa vaenda kudare.

Asi VaChibaya vaudza Studio 7 kuti vaennda kunosiya tsamba kumutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda kuti vamire zvekuteerera zviri kutaurwa naVaSengezo Tshabangu vari kunyora tsamba vachizviti ndivo munyori mukuru webato iri. VaChamisa vakati nhengo.

Pange pabuda mashoko kubva kuhurumende nebato reZanu-PF kuti nhengo dzeCCC idzi dzapinda mumusangano weStanding Rules and Orders Committee.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nhengo dzebato reCCC dzeHouse of Assembly dzagarawo dzanzi nemutauriri wedare reparamende VaMudenda hadzifanire kuuya kudare sezvo dziri kupomerwa mhosva yekukonzera mhirizhonga mudare reparamende nemusi weChipiri.

Izvi zvakatevera kudzingwa mudare kwedzimwe nhengo gumi neshanu dzebato iri zvichitevera tsamba iri kunzi yakanyorwa nevari kuzviti munyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu. Mapurisa akatozopinda mudare kunobvisa nhengo dzeCCC nechisimba.

VaTshabangu vanyorawo imwe tsamba vachiti vachadzinga vose vanenge vasina kuenda kudare reparamende. Asi VaChamisa vanoti vanofanir kusungwa nenyaya yekunyepa kuti vane chigaro mubato reCCC.

Hatina kukwanisa kubata VaMudenda kuti tinzwe kuti vapihwa tsamba here neveCCC. Asi vanokokera bato reZanu-PF VaPupurai Togarepi vaudza Studio 7 kuti zviri kuitwa nenhengo dzeTripple C hazviratidze kuti vanhu vanoda kumiririra vanhu.

Varambawo nyaya yekuti bato ravo reZanu-PF ndiro riri kukonzera kusagadzikana muCCC nekuda kuwana zvigaro mudare reparamende zvekuvandudza bumbiro remitemo kuti mutungamiri waro VaEmmerson Mnangagwa vakwanise kutonga kwemamwe makore mashanu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Pabumbiro remitemo ririko ikozvino, VaMngangagwa vanofanira kutonga kwemakore gumi chete.

Forum

XS
SM
MD
LG