Accessibility links

Breaking News

Gurukota reKudzivirirwa kweAmerica Rovimbisa Rutsigiro rweAmerica kuIsrael muKurwisana Kwayo neHamas


Gurukota rekudzivirirwa kweAmerica, VaLloyd Austin (L) negurukota rekudzivirirwa kweIsrael, VaYoav Gallant mushure memusangano nevatori venhau muTel Aviv nhasi.
Gurukota rekudzivirirwa kweAmerica, VaLloyd Austin (L) negurukota rekudzivirirwa kweIsrael, VaYoav Gallant mushure memusangano nevatori venhau muTel Aviv nhasi.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika yeAmerica, VaLloyd Austin, vavimbisa nyika yeIsrael kuti ine rutsigiro rweAmerica mukurwisana kwairi kuita nezvikwata zveHamas neIslamic Jihad Movement zvekuPalestine.

VaAustin vataura mashoko aya pavasangana nemutungamiri weIsrael, VaBenjamin Netanyahu pamwe nedare ravo riri kuona nezvehondo iyi, reIsraeli War Cabinet muTel Aviv uye vasangano nevatungamiri vedzimwe nyika dzemudunhu reMiddle East.

Rwendo rwaVaAustin urwu rwunotevera kushanya kwerimwe gurukota reAmerica kuIsrael, VaAnthony Blinken, vanove gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika.

VaAnthony Blinken vari muIsrael.
VaAnthony Blinken vari muIsrael.

Ukuwo, masoja emuIsrael apa vagari vemuGaza Strip vanodarika miriyoni imwe chete maawa makumi maviri nemana ekuti vange vabuda mudunhu rekumaodzanyemba kweGaza vachienda kuchamhembe kweGaza achiti acharwisa dunhu iri nemauto epasi.

Asi sangano reUnited Nations rinoti panogona kuve nedambudziko rekuti vanhu vakawanda zvakadaro vawanikwe vachitiza munguva shoma yakaita seyavapihwa iyi.

Zvichakadaro,rimwe sangano reMajudha muZimbabwe, reLemba Cultural Association, rinoti Israel neHamas vanofanirwa kugara pasi votaurirana kuitira kuti gakava iri ripere sezvo pane vanhu vakawanda munyika mbiri idzi vari kurasikirwa nehupenyu.

Munyori mukuru anoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika musangano reLemba Cultural Association, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vanhu vechiLemba vanodarika 250 000 vari munyika vari kunamata zvakasimba kuti hondo iyi ipere sezvo iri kupedza vanhu vakawanda, vamwe vavo vasina mhaka.

mwana wemu Palestine akuvadzwa nezvombo zveIsraeli muGaza Strip.
mwana wemu Palestine akuvadzwa nezvombo zveIsraeli muGaza Strip.

“Dambudziko ririko nderekuti ihondo yakabva kare. Kwakanga kuine vagari vechiJudha vaigara muIsrael kubva kare. Asi dambudziko guru rakaitika nderekuti pakaitika ma changes mugore ra1947, zvekuti vakawanda vave kuzviona sekuti vanhu vechitendero chechi Judha havasi ivo vene venzvimbo yeIsarel” Doctor Zhou vanotsanangura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Vanoti kugadzirisa dambudziko iri vanhu vanofanirwa kuti vagare pasi vachitarisa nhoroondo yavo, uye vachitendera varidzi venyika yeIsrael vange vari ivo vagere muIsrael vari varidzi vechiJudha.

Ukuwo, Sheikh Ishmail Duwa, vanove mukuru werimwe sangano revatendi vechiMoslem muZimbabwe, reSupreme Council of Islamic Affairs in Zimbabwe, vanotiwo zvinhu zvatonyanya kuipa zvave kupa kuti vanhu vasina mhaka varasikirwe nehupenyu.

“Tiri kurasikirwa nehupenyu nevanyhu vari innocent, including vana vadiki, kozouya vakadzi vari defenceless nezvimwe zvakadaro. Saka we call for complete peace. We also call kuti Palestine ive iri liberated. Munhu wese ngaave nenyika yake, Palestine nyika yayo Israel nyika yayo,” Vanodaro Sheikh Duwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG