Mauto emuIsrael azivisa nezvemukana wemaawa matanhatu wekuti zvizvarwa zvePalestine zvienderere mberi nekutiza misha yazvo zvichienda kuchamhembe kweWadi Gaza zvichishandisa nzira dzakatarwa dziri mukati meGaza.
Zviuru zvevanhu zviri kusiya misha yazvo zvichitevera kurudziro yekuti vanhu vabude mudunhu riri maodzanyemba kweGaza pamberi petarisiro yekuti mauto eIsrael epasi angangorwisa dunhu iri.
Mutauriri wemauto eIsrael, VaRichard Hecht, vaudza vatori venhau kuti vagari vemudunhu iri vanofanirwa kutevera kurudziro yekuti vabude nekuti vachasarira kumaodzanyemba kwedunhu iri vachatarisana nekurwiswa nemauto eIsrael.
Vakuru vakuru vemauto eIsrael Defense Forces vaudza vagari vekumatunhu akatarisana nekurwiswa uku kuti vanokwanisa kuramba vachifamba vari kuchamhembe kwemigwagwa mikuru zuva ranhasi Mugovera kusvika nenguva dza 4 masikati pasina chinoitika kwavari.
Asi sangano renhau reAssociated Press rati Hamas yakurudzira vanhu vese kuti varambe vari mudzimba dzavo uye kuti vamire semusambangwena pahondo yepfungwa yavakatarisana nayo.
Mauto eIsrael atenda kuti ichokwadi kuti Hamas ine vanhuwo zvavo vanodarika zana nemakumi maviri vari muhutapwa muGaza.
Gurukota rezvemukati meGaza razivisawo kuti kurwiswa neIsrael nemuchadenga kwaurayisa vanhu vari kubuda kumaodzanyemba kweGaza makumi manomwe uye kukuwadzisa vamwe mazana maviri.
Nyanzvi mune zvekudyidzana kwenyika dzepasi rose vari mudzidzisi wezvehupfumi paDeVry University muColumbus mudunhu reOhio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zviri kuitika kuvanhu vemuGaza zvekuti vabude mudunhu iri zvinhu zviri kuvashungurudza zvakanyanya sezvo vapiwa nguva dukuduku kwazvo yekuti vabude Israel isati yatanga kupindamo.
Muzvinafundo Masocha vanoti vanoona kuti hondo iyi ichapindirwa nedzimwe nyika dzemudunhu reMiddle East, izvo zvinogona kuzokanganisa kugadzikana pamwe nekukanganisa kufambiswa kwemafuta anobva mudunhu iri.
"Vamwe vanosapota Hamas, semauto eHezbollah ari kuLebanon vari kutaura kuti tiri kuzviona, zviri kutitsamwisa zviri kuita Israel. Ukuwo Iran, sahwira weHamas, vari kutaura kuti isu tinosapota Hamas saka kukuchidzira ikoko kuchazoita kuti dunhu reMiddle East ribake nehondo nekusawirirana kwevanhu iko kuriko kunobva mafuta edhiziri nepeturu zvinobva zvazoomesera hupfumi hwepasi rose."
Vanoti nyika dzakawanda dzepasi rino dzakaita seChina neRussia hadzisi kunzwika kuti dzakamira papi muhondo iyi, kunze kweAmerica iri kuonekwa kuti iri kuita zvose zvainogona kuti hondo iyi imire, zvakaita sekutumira makurukota ayo kudunhu iri.
Sangano re United Nations rinoti vanhu zviuru mazana mana nemakumi maviri nezvitatu, 420 000, vamanikidzwa kusiya misha yavo muGaza.
Hondo pakati peIsrael neHamas yaurayisa vanhu vangangosvika zviuru zvitatu kubva kumativi ose kubva Hamas zvayakatanga kurwisa Israel musi wa Gumiguru 7.
Forum