Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vati havachaende kudunhu reColarado vachiti vari kugara kumuzinda wavo weWhite House uko vari kutarisirwa kupota vachisumwa zviri kuitika muhondo pakati peIsrael neHamas.
VaBiden vanonzi vanogona kushanyira Israel munguva pfupi inotevera kuratidza kutsigira kwavo nyika iyi. America yakatorumira Israel zvombo. Asi America iri kukurudzira nyika iyi kuti isauraye vanhuwo zvavo vasina mhaka.
Forum