Rimwe sangano rakazvimirira roga reFight Inequality Alliance riri kukurudzirawo kuti mabhanga makuru anokweretesa mari akaita seIMF neWorld Bank aonewo kuti kodzero dzevakaremara nevarombo dzachengetedzwa muzvirongwa zvavo.
Izvi zvakabida pamusangano wepagore weIMF neWorld Bank wakaitirwa kuMarrakech, Morroco. Musangano uyu wakatanga nemusi weMuvhuro ukapera nemusi weChishanu zvondo repaera.
Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vari sachigaro wesangano reDisability Reform Coalition VaMasimba Kuchera avo vange vari kumusangano uyu vaudza Studio 7 kuti zvirongwa zvakaita sezveEconomic Structural Adjustment Programme kana kuti ESAP zvinopa kuti varombo vatonyanya kunonga svosve nemuromo.
VaKuchera vakataurawo pamusangano mukuru uyu vanoti hurumende pasi pezvirongwa zvakadai hadziise mari mubhajeti yedzidzo, hutano uye kune vakaremara.
Vakapinda mumisangano iyi vanosanganisira makurukota ezvemari, magavhuna emabhanga makuru, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi pamwe nemasangano akazvimiririra oga.
Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube ndivo vaitungamira chikwata cheZimbabwe kumusangano uyu.
Vachinyora padandemutande ravo reX raimbonzi Twitter, VaNcube vanoti chinangwa chavo chaive chekutaura nevakakweretwa mari neZimbabwe yairi kutadza kubhadhara kuti vaone kuti vangabvumirane zvipi kuti Zimbabwe izokwanisa kukwreteswa imwe mari.
Forum