Kurwisana kuri kuenderera mberi pakati peisrael nechikwata cheHamas apo America iri kuyedza kuita hurukuro dzekuti vanhu vari mugaza vawane rubatsiro.
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAnthony Blinken vanoti vaita chibvumirano nemutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamini Netanyahu chekuti vari muGaza vawane mvura, mishonga nezvimwe.
Nhaurirano idzi dziri kuuya apo mangwana mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vari kutarisirwa kushanyira nyika dzekuMiddle East dzinoti Israel, Jordan neEgypt.
Vanhu chiuru chimwe chete nemazana mana, 1,400 vafa muIsrael vamwe zviuru zviviri vemazana masere, 2800 vakafa muGaza.
Reverend Ever Mudambanuki vekereke ye United Methodist iri kuKansas muAmerica vanoti makristu mazhinji havana divi ravakarerekera muhondo iyi uye vari kunamatira runyararo. Vati, “Isu semakristu hatina divi ratakarerekera tiri kuto namatira kuti hondo iyi ipere sezvo vanhu vazhinji kusanganisira vamwe vasineyi nayo."
Vatiwo, "Shuwiro yedu ndeyekuti pane nerunyararo asi zviri kuitika zvinoratidza kuti ave mazuva ekupedzisira sezvinotaurwa mubhaibheri,”
Sezvo tichitema tisina kwataka rerekera kune rimwe divi Sheikh Ishmail Duwa vesangano reUnited Supreme Council of Islamic Affairs in Zimbabwe avo vanoti vanotsigiri nyika yePalestine muhondo iyi.
“Isu tiri kutsigira nyika yePalestine asi tinonamatira kuti hondo iyi ipere nekuti vanhu vazhinji vari kurasikirwa nehupenyu munyika mbiri idzi."
Vakurudzirawo hurumende yeIsrael kuti iremekedza zviga zvakaturwa nesangano reUnited Nations zvikuru pakuti rubatsiro rwipinde muGaza.
Forum