Accessibility links

Breaking News

Vaimbi vekuAmerica Vorodzana Pfungwa nevemuZimbabwe


Muimbi Brent Brickhead
Muimbi Brent Brickhead
Chimwe chikwata chevaimbi vekuAmerica chinonzi Birckhead changa chiri munyika pasi pechirongwa chemuzinda weAmerica muZimbabwe chinonzi American Music Abroad.
Chirongwa ichi chinobatsira kuwanisa vamwe vaimbi vemuno mikana yekusimudzira basa ravo nekuvandudza kudyidzana pakati pevaimbi vemuZimbabwe nevekuAmerica.

Pakave nemufaro paZimbabwe Academy of Music muBulawayo mazuva mashona apfuura apo vamwe vaimbi vekuAmerica vechikwata cheBirckhed avo vanoridza musambo wejazz vakatandadza vagari vemuBulawayo vachiimba nevaimbi vemuno.

Kunze kwekuimba uku, vaimbi ava vakave nemazuva vachiita misangano nevamwe vaimbi vemuHarare nemuBulawayo vachidzidzisana nekupanana mazano pamusoro pezvekuimba.

Mutungamiri wechikwata cheBirckhead, Brent Birckhead, akaudza Studio 7 kuti akafara zvikuru kuona kuti vaimbi vemuno vari pachidanho chepamusoro pabasa ravo rekuimba.

“Zvatadzidza ndezvekuti zvinoitika kuvaimbi vemuno zvakafanana nezvinoitika kuvaimbi vekuAmerica kana takatarisa panyaya yebasa iri kusanganisira pakuda kuwana raramo kubva mukuimba.
Kukwanisa kutaurirana uye kuwana mukana wekuimba navo zvinobudisa pachena kuti mumhanzi mutauro usina miganhu yenyika unotaurwa nekunzwisiswa pasi rose.”

Pamisangano yekuzeya zvemabasa ekuimba iyi, pakabuda pfungwa dzakawanda kusanganisira kuti zvakakosha kuti vaimbi vatore basa ravo rekuimba nemoyo wose uye kuti vashandise humhetura hwekufambiswa kwemashoko mukusimudzira mabaso avo ekuimba.

Muimbi Sibonginkosi Sibanda
Muimbi Sibonginkosi Sibanda

Sibongonkosi Sibanda uyo anoziikanwa nezita rekuti Bongi ndemumwe wevaimbi vemuBulawayo akapinda mumisangano yezvidzidzo pamusoro pezvemimhanzi wakaitwa nechikwata cheBirckhead uye akaudza Studio 7 kuti akadzidza zvakawanda.

Donald “Deevox” Mwangaza uyo akapindawo mumusangano uyu anotsinhira zvimwe chete.

Deevox vati, “Ini ndanga ndiri munhu uya aifunga kuti ndinogona kuzviitira zvinhu zvangu zvose asi ndatodzidza kuti kana uri muimbi wechidiki seni, uchida kusvika pachinhanho chevamwe vaimbi vane mukurumbira saana Jah Prayza naana Winky D, unofanirwa kuve namanager uye vamwe vanhu vanokuitira zvimwe zvinhu zvakadai sema video nema photo."

Vatizve, " Ndadzidzawo kuti zvakakosha kuti uve munhu akanyoresa kumapoka anomiririra vaimbi kuti uwane pundutso kubva mubasa rako.”

Muimbi Rachael Ngwarai
Muimbi Rachael Ngwarai

Rachael Ngwarai uyo anoziikanwa nezita rake rekuimba rekuti Zarae anoti chirongwa ichi chinobatsira vaimbi vemuno kuwana mukana wekushanda nevaimbi vekuAmerica uye kuvandudza mabasa avo ekuimba.

“Chirongwa ichi chakakosha zvikuru nekuti chinotipa exposure, uye rutsigiro rwatinowana mukushanda neAmerican Embassy muchirongwa ichi rwunoita kuti tikure sevaimbi pamwe nekuwana mikana yekuvandudza basa redu.”

Vanoona nezvekudyidzana pamuzinda weAmerica muHarare Amai Rebecca Archer-Knepper vakatsanangurira Studio 7 nezvechirongwa cheAmerican Music Abroad.


“American Music Abroad chikamu chechirongwa chakaparurwa munguva pfupi yapfuura cheGlobal Music Diplomacy. Chirongwa ichi chinoshandisa mumhanzi kuedza kusimudzira hupfumi hwenyika, kuvandudza mikana yezvedzidzo uye kubatsira vanhu vemunyika dzakasiyana-siyana kuti vawane nzira dzakasiyana-siyana dzekuwana raramo.”

Chirongwa cheAmerican Music Abroad chinoendesa vaimbi vemuAmerica vanoimba misambo yakasiyana-siyana vanosvika mazana mana kunyika dzakasiyana-siyana senzira yekuvandudza kudyidzana mune zvetsika nemagariro pakati peAmerica nenyika dzepasi rose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG