Accessibility links

Breaking News

Mumhanyi Aive neMukurumbira, Elliot Mujaji, Orwadzikana neKukundikana kweVatambi veMunyika


Mumhanyi Elliot Mujaji anoti mitambo yese munyika kusanganisira kumhanya yadzikira zvakanyanya.
Mumhanyi Elliot Mujaji anoti mitambo yese munyika kusanganisira kumhanya yadzikira zvakanyanya.

Muna 2000 na2004 Elliot Mujaji akasimudza pasi rese nekutora menduru dzegoridhe mumakundano ekumhanya nzendo pfupi dze 100 metres kumakwikwi eWorld Paralympic Games.

Kubvira ipapo Zimbabwe iri kungoenda kumakundano aya asi ichidzoka isina chayakabata izvo zvirikurwadza Mujaji.

Chikwata che Zimbabwe kubva musi wa 3 kusvika 12 Gunyana chaive kumaAfrica Paralympic Games uko chakadzoka zvekare chiri maoko chete.

Mujaji anoti Zimbabwe yasarira zvikuru kwete mumitambo yevakaremara chete asi mumitambo yese nemhaka yaanoti kushaya han’ya kwevari kutungamira masangano emitambo

“Tisingatarise zvevakaremara vega. Tikatarisa mitambo munyika muno, mishoma mitambo irikuita zviri nani,” adaro Mujaji.

Anoti zviri zvemitambo yevakaremara kunyange hurumende haisi kuita han’ya nazvo nekuti inoona mitambo iyi sekuvaraidza nguva

“Dambudziko nderekuti pane pakawanda pasingatariswe vachienzanisa semabatiro avanoita vasina kuremara nekuti vanenge vachiona sekuvaraidza nguva. Hurumende inofanira kupindira kuti ione kuti vanoitawo mitambo yevakaremara vawanewo zvakafanana nevamwe,”adaro Mujaji.

Nemhaka yekushaikwa kwerubatsiro uku mukuru weZimbabwe Amputees Football Federation VaRabson Musharafu vanoti sangano ravo riri kutorarama nemudemhe mudemhe

“Kubva muna 2019 kusvika izvozvi taingoshandisa mari dzedu dze muhomwe nemikando yedu. Vatambi nevatungamiri varikungoshandisa mari dzavo. Asi kana tave kumirira nyika tave kudaro rubatsiro. Hazvigoneke tichishandisa mari yemikando,” varikukumbira VaMusharafu.

Mujaji anoti pakaita shanduko mumabatirwo evakaremara panokwanisa kuita vatambi vanokwanisa kudzokorora kana kudarika zvaakaita.

Asi akambomhanyira nyika kumaCommonwealth Games Partson Muderedzi anoti kuvharwa kwemakambani aifarira zvemitambo kwakanganisa zvakawanda mumitambo

“Kumhanya kwaive keakavatwa ne makambani ezvichirerwa akaita sana Ziscosteel, Hwange, Gaths Mine, Shabanie nemamwe akadaro. Asi mamwe emakambani aya akavharwa. Nguva yatave kurarama ino, makundano aiitwa ne makambani aya emitambo hakusisina,” anodaro Muderedzi.

Muderedzi anoti dai Mauto eZimbabwe apinza mabasa vatambi nekuti mauto ndiwo ane mari yekutsigira mitambo.

“Dai mauto edu atibatsirawo nekupinza vana vachangobva kuchikoro nemhosva yekuti mumauto kune nguva yakanaka uye yakawanda yekuti vatambi vakadzirire vasina zvakawanda zvavanofunga,” adaro Muderedzi.

Mumazuva ake ekumhanya, Mujaji akatenderera pasi rese kunyika dzakaita seBrazil, Mozambique, Belgium, Algeria, Italy, Germany neNetherlands achiunganidzawo zvekare mari yeraramo.

Mumhanyi uyu akamboenda kuhorodhi yemasvondo maviri kuMalaysia neSingapore nevaimbove mukuru wenyika mushakabvu VaRobert Mugabe nemhuri yavo.

VaMugabe vakamubhadharira rwendo rwacho kutenda zvaive zvaitirwa nyika naMujaji.

Pari zvino, Mujaji ari kuita basa rekusimudzira vechidiki munyaya dzekumhanya ari kumusha kwake kuZvishavane.

Mujaji muna 1998 akabudirira kumirira Zimbabwe kumitambo yemaCommonwealth Games asi akakundikana kuenda mushure mekupiswa nemagetsi zvakapa kuti adimburwe ruoko uye agume okwikwidza nevakaremara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG