Accessibility links

Breaking News

Bato reCCC Ropomera FAZ Mhosva yeKutyisidzira Vanhu Pamberi peSarudzo dzeBy-Election kuGutu West


FAZ inoramba kuti inoshanda nebato reZanu PF kutyisidzira vanhu kuti varivhotere.
FAZ inoramba kuti inoshanda nebato reZanu PF kutyisidzira vanhu kuti varivhotere.

Bato rinopikisa reCitizen Coaltion for Change, CCC, rinoti Zanu PF
yadzosa zvakare sangano reForever Association in Zimbabwe, FAZ, kuGutu
West uko kuri kuitwa sarudzo ye by-election mudare reNational Assembly
mwedzi unouya.

CCC inoti nhengo dzeFAZ dziri kufamba mumisha
dzichivhundutsira vanhu kuti vavhotere Zanu PF kana vasingadi
mhirizhonga.

Sarudzo iyi iri kuitwa musi wa 11 Mbudzi zvichitevera kushaya kwemumwe
wevaida kukwikwidza musarudzo iyi muna Nyamavhuvhu vakazvimirira,
VaChristopher Rwodzi, izvo zvakatadzisa sarudzo iyi kuenderera mberi.

Vari kumirira CCC musarudzo iyi, VaEphraim Morudu, vanoti sarudzo
haisi kuzoitwa zvakachena vachiti vatsigiri vavo nevamwe vagari vari
kuvhundutsirwa nenhengo dzeFAZ, idzo dzavanoti dziri kufamba
nemotokari dzisina kunyorwa dzichinyora mazita evanhu mumaraini
dzichivati Zanu PF ikasakunda kuchaitwa hondo munzvimbo mavo.

“Vari kuvhunditisira vanhu kuti veCCC tokuzivai zvikasabuda zvatinoda
tinouya tichikupisirai mudzimba, mota dzatowanda dzisina manumber
plates sakando ve FAZ vanofamba nadzo,” VaMorudu vadaro.

Mumwe mugari wekuChatsworth, VaVurayayi Kanongovere, vati nhengo dzeFAZ dzatotangazve kufamba mudunhu mavo dzichivimbisa mhirizhonga kana
vanhu vakasavhotera nhengo yebato reZanu PF.

Sarudzo dzeby-election dziri kuitwa kuGutu West musi wa 11 Mbudzi.
Sarudzo dzeby-election dziri kuitwa kuGutu West musi wa 11 Mbudzi.

“Initmidation yeFAZ yatokurisa kupfuura yanga iripokare, vari kufamba
door to door vachiti Zanu PF hafaniri kudyiwa nekuti ndomusngano
wenyika,” VaKanongoverevadaro.

Hatina kukwanisa kubata vari kumirira Zanu PF musarudzo iyi, VaJohn
Paradza, sezvo vange vasingadairi nharembozha yavo.

Asi mutauriri weZanu PF mudunhu reMasvingo,VaPepukai Chiwewe, varamba
izvi vachiti veCCC vari kutya kukundwa musarudzo.

“Chandirikuonachiri kuita nebato reTaripple varikuedza kuzvinyaradzo
nemanyepo kuitira kuti kana tazovakurira voti takakurirwa nezvikonzero
zvatakambotaura,” vadaro Vachiwewe.

Mutungamiriri weFAZ munyika, VaKudakwashe Munsanka, vati sangano ravo
harina motokari dzinonzi dziri kufamba famba mumamisha idzi.

Asi vati rine vanhu varo vari kupinda mudzimba vachiita basa ravo remazuva ose
rekuita tsavakurudzo dzesarudzo vasingaiti mhirizhonga kana
kutyisidzira vanhu.

“Hatina motokari dzatinadzo asi tine vanhu vedu vari kuita basa ravo
semazuva ose vasingaiti mhirizhonga kana kutyisidzira vanhu,” vadaro
VaMunsaka.

CCC inoti kutyisidzirwa kwevanovhota kunoita kuti sarudzo dzisaitwa
pachena izvo zvinozoita kuti dzisabude zvakanaka uye dzisatambirwe
nevakawanda.

Nhengo dzeCCC.
Nhengo dzeCCC.

Sangano reFAZ rakashoropodzwa nemapato anopikisa, masangano
akazvimirira oga pamwe nevakaongorora sarudzo dzaNyamavhuvhu vakaita
seSADC neEU dzapera vachinzi ndezvimwe zvakakanganisa kufambiswa
kwesarudzo kwakachena.

Musarudzo ye by-election iyi mune vanhu vana vari kukwikwidza vanoti
VaMorudu ve CCC, VaParadza veZanu PF, VaRobson Kurwa veNCA, naVaMartin
Mudzingwa, avo vari kukwikwidza vakazvimiririra.

VaChristopher Mutonhori Rwodzi, avo vaive murume wegurukota
rezvekushanyirwa kwenyika, Amai Barbara Rwodzi, vakashaya mukupera
kwaChikumi mutsaona yemotokari, iyo yakaonekwa nevamwe sekunge yaive
nechekuita nezvematongerwo enyika.

Vanonzi vakanga vapesana nevamwe mubato reZanu PF, zvakaita kuti varambidzwe kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vaizomirira Zanu PF musarudzo, kana kuti primary elections, vachibva vazofunga kukwikwidza vakazvimirira.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG