Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatara zuva ra7 Mbudzi seiro richagara dare richatambira mazita evanhu vanoda kukwikwidza musarudzo dzemaby-elections munyika.
Izvi zvinotevera kudzingwa mudare reparamende kwenhengo idzi nemutauriri wedare iri VaVaJacob Mudenda vaiti vainge vatambira tsamba yekuita izvi kubva kune vari kuzviti munyori mukuru webato reCitizens Coalition for Change VaSengezo Tshabangu. Asi bato reCCC rinoti havana simba rekuita izvi sezvo vasiri muhutungamiri hwebato.
Bato iri rinoti zvinokatyamadzawo kuti mumwe ari kuzvitiwo ndiyo munyori mukuru weZanu-PF VaTafadzwa Manyika pavakati vadzingawo nhengo dzeZanu-PF makumi manomwe VaMudenda havana kutora matanho.
Asi VaSolomon Bobosibunu vanoshanda nesangano reElectoral Institute for Sustainable Democracy in Africa vanoti zvichapa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyaya nedzimwe nyika ichinzi haitevedzeri hutongo hwejekerere.
VeZanu-PF vari kuramba kuti vane ruoko mune zviri kuitika muCCC izchiti pari kutungangana dzemudanga. VeTripple C vanoti Zanu-PF iri kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuti VaMnangagaw vatonge kusvika madhongi amera nyanga.
Forum